Uncategorized

Odyiwa nehonye achifamba

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Odyiwa nehonye achifamba Sekuru Chirume Chirume

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 35 okuberekwa anogara kuHatfield, muguta reHarare, asi kumusha achibva kuChivhu, anoti ane dambudziko rekubooka-booka kusikarudzi yake uko kwakadzidziuka ronda hombe rinobuda honye mhenyu idzo dziri kumudya achifamba.

Mudzimai watichangodoma nezita rake rekutanga rekuti Patience, sezvo achikumbirisa kuti zita rake rose risabuditswe, anoti a

svitsa gore nemwedzi mitanhatu achidyiwa nehonye pamadiro.

Honye idzi dzine ruvara rwakasiyana runosanganisira nhema, tsvuku nechena uye dzine miswe mirefu nemisoro mihombe inenge yemazunguzurwa.

“Ndiri kudyiwa nehonye ndichifamba, ndiri mupenyu. Izvi zvakatanga mushure mekunge ndashaya chipfeko changu chemukati. Bhurugwa rangu rakabiwa nemunhu wandinofungira kuti igirlfriend yemurume wangu. Kubva ipapo, ndakatanga kuita buri rimwechete kunhengo yangu ndokuzowedzera kuita maburi matanhatu ayo akazodzidziuka kuita ronda hombe,” anodaro Patience.

Anoti ronda iri rinodhubhuka honye kunyangwe pane vanhu izvo zvaanoti anotoguma atiza paruzhinji kunodziuraya ari pakavandika.

“Ndakaroorana nemurume wangu kwemakore mashanu uyo ndisina kuita mwana naye.

“Asi ndine wangu wandakaita nemumwe murume, iyewo ane wake waakaitawo nemumwe mukadzi. Ndatanga kudyiwa nehonye idzi, murume wangu akabva atiza pamba nembatya dzake ndisipo, handina kuzomuona kusvika nanhasi uno.

“Ndakamboenda kuzvipatara nekuda kwechirwere ichi, kusanganisira kuParirenyatwa Group of Hospitals, kuKaranda, kuWilkins nekuMbare asi kukashaikwa chirwere chaicho, vanongonditi ndirambe ndichidzoka,” anodaro.

Dzimwe nguva, Patience anoti anozongoerekana ave kuona honye idzi dzave kudonha paari inova nyaya yaanoti inomunyadzisa zvikuru.

“Handizive kuti ndichararamawo here kubva mudambudziko iri. Kumaporofita nen’anga kwandinofamba zvinonzi ndakaiswa mhiko apo ndakabirwa chipfeko changu chakanogadzirwa.”

Patience anogara oga achiroja uye anozvigeza pasina anokwanisa kumubikira sezvo asisagone kufamba zvakanaka.

“Takaberekwa takawanda ini ndiri musikana ndoga uye baba vakafa, amai vangu vanoshanda basa remumba kuBotswana uko vakadzokera svondo rakapera. Dzimwe hama dzose, kusanganisira dzekwaamai vangu, hapana anoda kundibatsira kana kundishanyira chaiko. Ndinobatsirwa nevavakidzani avo vanombondipa kudya nekundiwachira, ronda iri rave kubuda mvura nehurwa uyewo naidzo honye,” anodaro Patience.

Mishonga yaanoda yekugezesa ronda iri anoti haana kuburikidza nekushaya mari.

Patience anoti ari kurara akasvinura nekurwadziwa neronda.

Kune vanoda kubatsira Patience vanomubata panhamba dzinoti 0772 514 874.

Votaura pamusoro penyaya iyi, VaPatrick Kapfunde avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti mudzimai uyu akashandisirwa chipfeko chake chikaiswa mhiko dzemishonga yakaipa.

“Akaiswa mhiko dzechikwambo chinodya nyama yake.

“Dzimwe nguva anogona kunge akarara nemurume wemunhu akaiswa rukawo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Chirume Chirume vekuEast View kuCaledonia, muHarare vachiti Patience anogona kunge akaroyiwa kana kuti akagadzirwa neaiva murume wake kana nechikomba chake.

“Nyaya yave kudiwa kubatsira munhu uyu chete asi akaroyiwa zvakasimba,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Bonservia Bond Gumira (31) vechechi yeJohane Masowe weChishanu, yekuChitungwiza vanoti mukadzi uyu akaiswa chikwambo chinomudya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>