Uncategorized

Ogara nechimukuyu chemunhu mubhegi

05 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Ogara nechimukuyu chemunhu mubhegi Tendai Ncube achitaridza chimukuyu chechigunwe chake

Kwayedza

Robin Muchetu ari kuBULAWAYO

Munyaya inotyisa nekushamisa, mumwe mukadzi wekuno ari kugara nechimukuyu chemunwe wake kwemwedzi mishanu yadarika mushure mekunge wadamburwa apo akarumwa nemuvakidzani wake pavakanetsana nenyaya yebhagidhi rechibage.

Tendai Ncube (59) wekuBeuna Vista akaomesa chidimbu chemunwe wake wekuruboshwe uye anofamba nacho chiri muchikwama kana mubhegi rake kubva musi wa20 Mbudzi gore rapera.

“Ndinofamba nemunwe wangu uyu seumboo hwekuti muvakidzani wangu akandiruma ukadambuka nenyaya yebhagidhi rechibage. Pari zvino ndichiri kurwadziwa,” anodaro Ncube achiratidza bepanhau reKwayedza munwe wacho uyo wakaomeswa zvose nepawakadamburwa.

Ncube anoti nyaya yakatangira paakak- wereta Bekezela “Matsha” Matshazi bhagi- dhi rechibage uyo anogara muraini rimwe chete naye.

“Matsha ishamwari yangu uye ane makore 62 okuberekwa ari muvakidzani wangu zvakare. Ndine sitendi hombe saka ndakarima ipapo. Munhu akandirimira aida kubhadharwa izvo zvakazoita kuti ndikwerete muvakidzani wangu bhagidhi rechibage randaida kubhadharisa kumunhu uyu.

“Mwana wangu musikana akanga ati aindivigira chibage kubva kumba kwake kuCowdry Park vhiki racho raitevera asi ndaida kukasira kubhadhara mushandi uyu,” anodaro.

Ncube anoti mwanasikana wake akamuvimbisa kuti aizouya nechibage nemusi weChishanu asi haana kuzok- wanisa.

“Chitatu chacho chaitevera mangwananingwanani, Matsha akauya pamba pangu sezvaagara achiita ndikatomuvhurira gedhi asi akanga asina husham- wari neni musi uyu. Akatanga kundipo- potera achindituka achiti haachadi kufa akandiona sezvo ndatadza kumupa chi- bage chake nenguva.

“Ndipo pandakaedza kumubata ruwoko rwake kuti tipinde mumba kuitira kuti vanhu vasaungane neruzha rwaakanga ava kuita, asi akabva atanga kundirova ndokundiruma munwe,” anodaro Ncube.

Anoti mwanasikana wake akazobuda panze mushure mekunzwa ruzha akavaona vachirwisana.

“Pakabuda mwanasikana wangu, Matsha ndipo paakazosvipa munwe wangu kubva mukanwa make uyo waakanga akwachura. Ndipo pandakaona kuti ndadimburwa munwe nekuti wakanga watova pasi netumwe tunyama twakasaririra twakarembera.

“Ndakamuchemera ndichiti ainge adimbura munwe wangu nenyaya yebhadighi rechibage iye akapindura zvandisina kunzwa,” anodaro Ncube

Akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Zvisinei, Matshazi anonzi akamhanya ndiye kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa Ncube asati asvikako achiti akanga arohwa.

Nyaya iyi yakanzikwa kumatare apo Matshazi akanzi akanga asina mhosva sezvo aizvidzivirira kubva mukurohwa naNcube.

Ncube anoti achakwidza nyaya iyi kumatare epamusoro sezvo achifunga kuti haina kutongwa zvakanaka uye akazvirapisa zvisinei nekuti akanga akuvadzwa naMatshazi. Vanachiremba vanoti Ncube ava nehurema husingachaiti kudzoreredza uye haachakwanisa kushandisa ruwoko rwake zvakanaka sezvo minwe yake miviri isisagonye.

Hushamwari hwevaviri ava hwakatopera sezvo vasisataudzane.

“Haachadaviri kana ndikamumhoresa, zvava kuita kuti ndigare ndichimutya. Ndinoona sekuti matare haana kutonga nyaya iyi zvakanaka sezvo asina kana kundikumbira ruregerero chairwo,” anodaro Ncube.

Paakabvunzwa kuti sei achichengeta chigunwe ichi, Ncube anoti anozochirasa

kananyayayakeichingeyaendakumatare epamusoro uye yatongwa zvinomugutsa. Matshazi haana kubatika kuti ataurwe naye neKwayedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>