Uncategorized

Oita chinamira pamurume

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso
MUKADZI wekunzi ari kuita chinamira pamurume waakarambana naye akamiswa mudare redzimhosva achipomerwa kumushungurudza.

Peace Madzukuturira akaendesa aimbove mudzimai wake, Melita Murawa, kuHarare Civil Court achiti ari kumumanikidza kuti vadzokerane asi iye asisade nezvake.

Madzukuturira akaudza mutongo wedare iri, Gamuchirai Siwardi, kuti: “Mukadzi uyu anogara achindifonera achindituka. Ndinogaromuudza kuti handichada nezvake asi iye anoramba achindinetsa.”

Akati Murawa ari kushungurudza vabereki vake nekuda kwenyaya iyi.

“Mai ava (Murawa) vakatombouya kumba kwangu vakasiya vatuka vabereki vangu. Ndakamupa gupuro, zvino handichaziva kuti chaachiri kuda chii? Anofanira kundisiya uye kukanganwa nezveupenyu hwangu nekuti ini ndave kuda kutanga upenyu hutsva.

“Anondifonera achitaura nezvevana asi ini ndakamuudza kuti vana ndinochengeta. Ndinotomupa mari yekuti aitire vana zvose zvavanoda.

“Chikumbiro changu ndechekuti dare ridzivise mukadzi uyu kuramba achinamirirana neupenyu hwangu sezvaari kuita izvi,” akadaro Madzukuturira.

Murawa akapikisa Madzukuturira achiti kana akapihwa gwaro rerunyararo iri zvaizokonzeresa kuti ashupikane nekuchengeta vana oga.

“Murume uyu ari kundinyepera. Handina kumbobvira ndamutuka kana kuenda kumba kwake zvaari kutaura izvi. Iye ndiye akatouya kumba kwangu aine pfambi yake achida kundisvotesa ndikangovatarisa, handina kana kumbovarwisa,” akadaro Murawa.

“Zvegupuro zvaari kutaura izvo ndezvekunyepa nekuti kutaura kuno vabereki vangu havasi kutomboziva kuti takasiyana. Ndinongomufonera kana ndichida kumuudza kuti vana vane zvavari kuda asi nguva zhinji ndinotokumbira nhare kushamwari dzangu nekuti iye anenge akandiblocker kuti ndisataure naye.”

Mutongi Siwardi akapa Madzukuturira gwaro redziviriro ndokuti kana paine zvinenge zvichinetsa vataurirane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>