Uncategorized

Oita mbiri nembatya dzemakavi

28 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Oita mbiri nembatya dzemakavi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara kuUnit N, kuChitungwiza – uyo anozivikanwa nekupfeka hanzu kana kuti mbatya dzakaita zvekurukwa nemakonje kana kuti makavi – anoita vanomusika vari kutomupa simba rebasa rake reCreative Artsts sezvo ari kurarama kubva mubhindauko iri.

Anoti zvisinei nekuti vamwe vanhu vanomuona seanorasika njere kana kuti ari kutanda botso, iye zvake zviri kutomufambira uye wodhuropu yake izere mbatya dzerudzi urwu bedzi.

Nguva pfupi yadarika, Kwayedza yakaburitsa mifananidzo yemurume uyu, Catwell Kutsi (43), padandemutande rayo vamwe vanhu ndokumupembedza asi vamwe vakati ari kupenga kana kutanda botso.

Kutsi inyanzvi pakugadzira zvikirimbani zvewaya zvinobata makonzo, shangu, nhava, mabhachi, midhebhe, mabhande nezvimwe achishandisa makonje nemakavi.
Zvinhu izvi ndizvo zvaanopfeka zvimwe achitengesa.

“Ndinozviziva kuti pese pandinosvika vamwe vanondisema nekundishora asi iyi haisi mhosva yavo, imhaka yekusanzwisisa nyaya dzekushandiswa kwezviwanikwa mukuburitsa humhizha hunounza mari. Vamwe vanondionera nechekure vanofunga kuti ndinenge ndakapfeka masaga zvichitevera ruvara rwemakonje ayo ndinogadzirisa mbatya dzangu nedzandinotengesa.

“Makonje nenhokwe zvandinorukisa mbatya dzangu ndinozvitora kurwizi Hunyani nekwaChitsvatsva, uye ndinotora mwedzi kana kudarika ndiri musango ndichitsvaga zvinhu izvozvi zvekuti ndinotonogara musango,” anodaro Kutsi.

Anoti zvinotora gore kana kudarika kuti apedze kuruka bhachi raanopfeka pamwe nemutodo wacho.
“Vanhu havazive chinonzi ‘creative art’ saka vanoseka nekushora nekuti vanongotarisira kuona munhu akapfeka mbatya dzejira bedzi. KuChitungwiza nemuguta reHarare mandinofamba nekutengesera, vanhu vanotonzwisisa ndiwo madhara ane mazimota – mhene dzangu. Ndivo vanotenga zvikirimbani kunyanya vachiendesa kumapurazi kwavo uku vanenge vachinetswa nemakonzo.

“Zvekare vachena nemaIndia vari kunanaAvondale ndivozve vazhinji vanofarira mbatya nemidziyo yangu uye kune vamwe vekunze vakatopa maodha ezvipfeko izvozvi kuti ndivagadzirire voenda nazvo kunyika kwavo,” anodaro achiratidza kufara nekufambirwa neupenyu.

Murume uyu anoti wadhuropu yake haina kuzara nembatya dzemhando ine mbatya dzemhando iyi, nedzimwewo shoma dzemachira idzo dzaasingapfeke.

“Hongu, mumba mangu irimo midziyo yehumhizha uhwu asi pambatya ndichine shoma semunhu ane makore ava kupfuura mana ndiri mubhizimusi. Kana nduwe yandakapfeka ipo pano ndakaita yekuruka nemakonje nenhokwe uye haindimare nekuti zvandinorukisa zvinotsvedzerera.
“Pamubvunzo wenyu wekuroora, handisati uye ndinomirira nguva yaMwari asi hazvirevi kuti ndiri kushorwa nevasikana nekuda kwezvandiri kana zvandinopfeka. Ndinotombopfimbawo ndichidiwa . . . zvichaita hazvo,” anodaro Kutsi.

Pamitengo yezvinhu zvaanogadzira, Kutsi anoti zvinodhura zvishoma sezvinhu zvisati zvava nemakwikwi pamusika.
“Handina hangu huwandu hwemari yandinowana pamwedzi sezvo bhizimusi racho riri mhindupindu, ndingataura mari yandinowa pazuva, asi kwete mazuva ose, inoita US$25 nekuti ndiri kuita dambudziko rekukurukwa nevamwe vanotora zvinhu zvangu voti tichatumira mari asi vachizoita museve waenda neuma,” anodaro.

Kutsi anoti mabasa aanoita aya anobatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda.
“Ini ndiri nhengo yeZimbabwe Arts Association zvisinei nekuti gore rino handisati ndabhadhara mari yekuva nhengo. Mukushandisa makonje ndichigadzira hembe, ndiri kuchengetedza nharaunda mukusvibiswa kwayo. Waya dzesimbi dzandinonhonga ndichigadzira zvikirimbani zvemakonzo kuchenura nharaunda zvekare uye kana vanhu vakashandisa zvikirimbani zvinoreva izvo kuti nyaya dzekushandiswa kwemishonga inouraya makonzo dzinoderera.
“Saka zvinobatsira mukuchengetedza nharaunda kuti isasvibiswe nemishonga uye mikana yekuurayiwa kwevana apo vanogona kudya mishonga yacho inoderera. Zvekare katsi kana dzichinge dzava kudya gonzo rabatwa nechikirimbani hadzife pane rinenge rafa nemishonga.”

Panyaya yedzidzo, Kutsi anoti akaita dzidzo yake yepuraimari paTonderai Primary School iri kuChitungwiza kuchizoti sekondari paSeke 4 ikoko.
Akaitawo zvidzidzo zvekugadzira makombiyuta zvisinei nekuti anonyanya kupa nguva yake zhinji mukugadzira zvinhu zvinoshamisa vakawanda izvi.
Murume anobva kuNyanga uyu anoti ane tsono yaanoshandisa pahumhizha uhwu uye ari kugara hake mugota muimba yevabereki.
Pakufamba, Kutsi anoti vamwe vedzimotokari havadi kumutakura uye vamwewo vanhu mumabhazi havadi kugara naye vachifunga kuti anovasvibiswa.

“Mitengo yemamasiki angu ndiyo inodzinga vanhu nekuti inodhura uye mukati mune tumiti rwemupalm tunoita kuti isapekete. Hutachiona hweCovid-19 haupinde nekuti mune ma’layer’ akawanda mukati asi kufema ndinofema hangu.

“Chero iwo mapurisa vanotoadawo mamasiki angu uye havandisunge nekuti ndinenge ndakazvichengetedza. Ndiri kutarisira kuzobaiwawo nhomba yeCovid-19 munguva inotevera,” anodaro.

Mbatya dzake anoti anodziwacha uye dzinooma zviri nyore.
Haana hake mubairo waati awana mubasa iri asi anofara kuti anomboshevedzwa kumisangano mikuru seHarare International Festival of the Arts (HIFA) achinoratidzira.

“Mashoko angu akupedzisira ndinoti vanhuwe musatya inini asi ityai Mwari nekuti ini ndiri pabasa, ndiri pakushava,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>