Uncategorized

Oita ‘rudo’ nemabhurugwa 100 evakadzi

27 Feb, 2022 - 10:02 0 Views
Oita ‘rudo’ nemabhurugwa 100 evakadzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 30 ekuberekwa anogara papurazi reSerui Source riri kwaNyamweda, kuMhondoro pedyo nedhorobha reNorton, ari kupomerwa kuba zvipfeko zvemukati zvevakadzi mushure mekunzi akawanikwa aine zibhegi rizere nembatya idzi idzo anonzi anoshandisa “kuzvivaraidza” kana “anzwa kuda”.

Zvipfeko izvi zvinonzi zvakazoiswa mubhagidhi remarita 20 rikazara.

Kunze kwaizvozvo, murume uyu zvakare anonzi ane katsika kekudongorera madzimai anenge achigeza uyewo nevanhu mudzimba dzavo panguva yavanenge vachidanana.

Svondo rapera vagari venzvimbo iyi – mushure mekunge madzimai nevasikana vaita nguva vachishaya zvipfeko zvavo zvemukati – vakazoungana vakanopinda mumba memurume asina kuroora uyu umo vakawana zibhegi rainge rizere zvipfeko izvi.

Zvimwe zvacho zvinonzi zvaiva zvakasviba zvichiratidza kuti zvainge “zvapedzwa nazvo” nemuchinda uyu.

Trust Mutsiwawo Tsanguma (30) ndiye ane mumba munonzi makawanikwa zibhegi rizere mabhurugwa echidzimai ayo anonzi akazozara mugomo wemarita 20.

Mumba makawanikwa mabhurugwa

Tsanguma ari kutsenga-tsenga mukanwa nekuda kwenyaya iyi achiti mabhurungwa akawanikwa ari muzibhegi mumba make aiva mashoma uye ndeevasikana vake.

VaLoveday Chibamu (48), vanova mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, vanotsinhira nyaya yekuwanikwa kwemabhurugwa aive akazara zibhegi mumba memurume uyu.

“Ini ndakazongoshevedzwa ndaona madzimai nevamwe varume vaungana vachitaura kuti mabhurugwa aishaikwa nemadzimai kwenguva refu aiva awanikwa mumba maTsanguma. Mumba make makawanikwawo midziyo inosanganisira mapoto, ndiro, masipunu nemakapu izvo anonzi aiba,” vanodaro VaChibamu.

Mamwe madzimai nevasikana vanonzi vakaziva zvipfeko zvavo asi havana kuzvitora sezvo vakazvirasa nekutya kuti vaisaziva kuti aizvishandise chii.

“Murume uyu anorarama nekuita maricho muno. Tichimubvunza anoti haazive kuti zvinofamba sei uye anoti anozoita chimhandaramaoko pazvipfeko izvi kana onzwa kuda mudzimai,” vanodaro VaChibamu.

Mai Evernice Martin (28) vao vanogara pamba pamwe chete naTsanguma vanoti vakashaya zvipfeko zvavo zvina izvo vakazowana mubhegi remurume uyu.

“Zvipfeko zvangu zvina ndakazvishaya pawaya mu’change house’ ndakazozviwana mubhegi remurume uyu. Ndakaakanda muchimbuzi nekuti aiva akasviba.

“Anoti anoita chimhandaramaoko nemabhurugwa aya asi haana kutaura kuti anozviitirei,” vanodaro Mai Martin.
Vanoti madzimai akashaya zvipfeko zvavo vanodarika gumi munzvimbo iyi.

“Huwandu hwezvipfeko zvakashaikwa muno zvinodarika 100 pamwe chete. Semadzimai, hatina kusununguka kuramba tichigara nemunhu akadai uyu muno nekuti anoguma abata vana chibharo kana isu nekuti hatichaziva dzimwe nguva anotiita mubobobo,” vanodaro Mai Martin.

Mai Edinah Saika Kujokera (45) vanova mudzimai wakanzura wenzvimbo iyi kuward 15 vanoti vakashayawo zvipfeko zvavo zvinodarika gumi.

“Trust Mutsiwawo Tsanguma aindishandira pano ndichingoshaya zvipfeko zvemukati zvinogona kudarika gumi. Aitora pawaya kana mumba chaimo, vanin’ina vangu vatatu vakandishanyira pano vakashayawo mabhurugwa avo ose zvekuti vakatodzokera kumusha vasina. Kusvika nanhasi havadzoke pano,” vanodaro Mai Kujokera.

Vanoti vakatombomurwisa nekuda kwenyaya iyi uye aivabirawo zvinhu zvakasiyana mumba mavo.

“Bhegi raiva rizere zvipfeko takariwana mumba make apo kwaiva kwabiwa mbatatisi muno. Vanhu vaida kuona mumba make uyewo nekutsvaga zvipfeko izvi.

“Takawana edu ikoko tikatoarasa muchimbuzi. Panotaurwawo zvemubobobo asi hatina humbowo nazvo,” vanodaro Mai Kujokera.

Tsanguma, uyo ava kuvavarira kuzosvika zera retsvimborume, anotsenga-tsenga mukanwa nekuda kwenyaya iyi zvisinei nekuti anobvuma kuti akawanikwa aine nezvipfeko zvevanhukadzi mumba make.

“Ichokwadi kuti ndakawanikwa ndiine mabhurugwa emadzimai asi kwete bhagidhi sezvo ndaingova nemashanu chete evasikana vangu vatatu. Ndakazoshamiswa kuonawo skirt yemumwe musikana wepanext door handizive kuti yakauya sei mumba mangu,” anodaro Tsanguma.

Anoti dzimwe nyaya idzi dziri kugadzirwa nevanhu vakamuvenga sezvo achiti kune mamwe madzimai anomupomera nyaya yekuti aida kuvabata chibharo.

Obvunzwa nezvekumusha kwaanobva, anoti anobva kuManicaland.

Vakafanobata chigaro chaMambo Nyamweda, VaNobert Musekiwa Mandaza, vanoti nyaya iyi yakasvitswa kwavari uye vachatuma machinda avo kunonzwa zvizere sezvo ichifanirwa kuzopinda mudare ravo kuti igadziriswe.

Mambo Nyamweda

VaRazor Chibamu (50) vanoti Tsanguma havachagona kuramba vachigara naye nekuda kwetsika yake iyi.

“Ini ndakatomuwana achiba mabhurugwa emumwe mudzimai akabvuma kuti aiva atumwa nemumwe murume aidanana nemudzimai uyu. Akatombondidongorera ndichisasana nemudzimai wangu ndikamudzingirira akazvibvuma.

“Hatizive kuti mushonga here kana kuti chii,” vanodaro VaChibamu.

VaJohn Kurenjeka (47) vanoti Tsanguma akamboba skin tight yemumwe mudzimai wemunzvimbo iyi inova nyaya yaakabvuma.

“Hatizive kuti murume uyu anozviitire chii, taneta netsika yake. Takambosvitsa nyaya iyi kumapurisa tikazomunzwira tsitsi kuti aendwe naye,” vanodaro VaKurenjeka.

VaMalvern Nyamushamba (40) vanoti Tsanguma anoda kubatsirwa nekuti anoti iye haazvide, asi zvinongouya.

“Murume uyu anoba asi chinonetsa anonyanya kuba zvipfeko zvemukati zvemadzimai. Anotaura kuti anopedzera shungu dzekuda vakadzi pamabhurugwa aya asi iyo nyika yakawanda madzimai kudai,” vanodaro VaNyamushamba.

Munyaya dzinofambirana neiyi, makore adarika kune madzimai akawanda ekudunhu raMambo Njelele, kuGokwe vakamboshayawo zvipfeko zvavo vakazozviwana zvakaunganidzwa musango.

KwaMurehwa zvakare kune mukomana akambowanikwa aine zvipfeko zvemadzimai zvemukati zvakawanda izvo zvaanoti anoshinha nazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>