Uncategorized

Okapofomadzwa nenyama yegudo

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Okapofomadzwa nenyama yegudo

Kwayedza

Nhlawenhle Ncube
MURUME wekuFigtree, chinhambwe che30km kubva muBulawayo nemugwagwa unoenda kuPlumtree — wekuita mashura ekutengesera nyama yegudo kuvagari vemumusha make achivati ndeye mombe — ava kuzvidemba mushure mekupofomara maziso apo akatosvorwa nehutsi achibvura musoro webveni.

Honest Siziba anonzi akapofomara apo akakanganisika maziso ake ari pakati pekubvura musoro wegudo nechinangwa chekuti vatengi venyama yake vasazive kuti idiro.

Vamwe vagari veko vanonzi mushure mekunge vanakirwa nenyama yebveni vachifunga kuti yaive yemombe, vakazoti vaida kutengawo musoro wacho.

Siziba anonzi akazama kubvura-bvura musoro uyu kuti usaonekwe kuti waiva negudo ndokubva akanganiswa maziso ake nehutsi, zvikaita kuti azomhanyiswa kuchipatara.

Paakasvika kuchipatara, anonzi akaona pasina zvekuita asi kuti ataure chokwadi kuti akange akanganiswa maziso ake nehutsi achibvura musoro wemutiro.

Mumwe wevakatengeserwa nyama yegudo iyi, Mgcini Ndlovu, anoti yainge yakaderera mutengo zvikuru uye Siziba akange avaudza kuti yaive yemombe.

“Rimwe zuva svondo radarika, taive kuzvitoro tichinwa doro apo Siziba akauya nebhaketi raive rizere nyama achiti babamukuru vake vakange vauraya mhou yemombe ndokumukumbira kuti atengese nyama yacho.

“Yakange yakaderera mutengo zvikuru, ichiita $2 yakati wandei uye vanhu vakawanda vakaitenga. Kwapera mazuva maviri, takanzwa kuti nyama iyi yakange yapera kutengeswa apo takaenda kwaari tichida kutenga musoro wemombe iyi,” anodaro.

Zvinonzi Siziba akaudza vanhu vaida kutenga musoro kuti aizovapa pachena sezvo akange afadzwa nekutenga kwavainge vaita nyama yake.

“Zvinoratidza sekuti iyi yakange iri nzira yekuda kuvhariridza kuti vanhu vasazive kuti nyama yavakatengeserwa yakange isiri yemombe. Apo Siziba akange ari kubvura musoro, akabva akachidzwa nehutsi hwacho ndokutosvorwa maziso zvisinganzwisisike.

“Hutsi uhu hwakamukanganisa maziso uye akatanga kuchema-chema achiti chipfuva chake chairwadza,” anodaro Mgcini Ndlovu.

Anoenderera mberi achiti, “Zuva rakatevera, akabva anyanya kurwara zvikaita kuti amhanyiswe kuchipatara. Paakasvika kuchipatara, akatsanangura zvainge zvaitika apo vanhu vaive vamuperekedza vakakatyamadzwa nazvo.”

Vagari vemubhuku iri vanonzi pavakazviziva kuti vakange vatengeserwa nyama yegudo vakadya, vakashatirwa zvikuru ndokuwirirana kuti Siziba anofanira kurangwa zvakaomarara nekuda kwezvaakange aita.

Mushure mekunge aburitswa muchipatara, Siziba anonzi haana kudzokera kumba kwake sezvo vagari veko vari kuvimbisa kumuita kanyama kanyama kumurova.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naSiziba kuti apewo divi rake panyaya ino sezvo nhare yake yakange isingabatike.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>