Uncategorized

Omukirwa nechikomba chakafa 1998

06 May, 2022 - 08:05 0 Views
Omukirwa nechikomba chakafa 1998 Angeline naChioniso (kurudyi)

Kwayedza

Latwell Nyangu naTichavona Makonese

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nengozi, vakadzi vaviri vekuKaroi avo vanova mukoma nemunin’ina vari kushungurudzwa nemweya wemukomana aidanana nemumwe wavo, uyo akafa makore 24 apfuura.

Chioniso Mabwe, uyo pari zvino ava nemakore 40 ekuberekwa, aidanana naTonderai Nyika.
Tonderai anonzi akafa zvisinganzwisisike muna1998.

Zvinonzi mweya waTonderai wakabuda munaKukadzi gore rino pamukoma waChioniso anonzi Angeline.
Kusvika pari zvino, Chioniso haasati aroorwa uye haadi kunzwa zvine chekuita nevarume, chero kupfimbwa zvako.
Tonderai, uyo anonzi mweya wake uri kutaura zvakanyanya pana Angeline, anoti panguva yaakafa pakanga paine kusawirirana pakati pake naChioniso.

“Vaviri ava vaidanana asi kusawirirana kwakauya apo Chioniso akaona kuti Tonde aidanana nemumwe musikana uyo aizivikanwa nekunzi Muchaneta.

“Chioniso akafunga kusiyana naTonde zvinova zvisina kufadza mukomana uyu. Apa Tonde ainge ozivikanwa zvakanyanya kumhuri kwedu,” anodaro Angeline.

Angeline anoenderera mberi achiti, “Husiku ihwohwo, Tonde akatadza kuenda kumba kwavo akarara muimba imwe chete nehanzvadzi yedu. Mangwanani acho, Tonde akafuma achibvisa ringi yake yekuvimbisana wanano akaipidigura.

“Ndichiri kurangarira zvaakange akaita chiso chake, aive akatsamwa zvikuru. Takamunzwa achiti, ini ndakuenda hameno zvichaitika neupenyu hwangu.

“Ndakatadza kuvayananisa asi ndakazoshamisika kunzwa kuti Tonde akaonekwa akafa mavhiki mashoma akatevera.”

Anotsanangura kuti mutumbi waTonde wakawanikwa sei.

“Ruoko rwaTonde rwakaonekwa ruchidyiwa nembwa. Takasungwa pamwe chete nemukoma wangu uye mapurisa akaferefeta nyaya iyi sezvo Tonde akanga apedzisira kuonekwa pataigara.

“Musi wandakasungwa, zuva raitevera racho ndaifanira kuroorwa asi vakuwasha vakauya vakationa takasungwa.
“Pataiva muchitokisi, ndipo patakaziva kuti Tonde akanga asiya anyora tsamba mushure mekuzviuraya iyo yakazopihwa vekumhuri yake,” anodaro Angeline.

Tsamba iyi yaiti: “Ndazviuraya nekuda kwako Chio, chisara urarame zvakanaka.”

Chioniso anotsinhira kuti mweya waTonderai uri kubuda pamunin’ina wake, Angeline.

“Handina kudya kwevhiki rose uye ndaishungurudzika nekuda kwechiitiko ichi.
“Akauya kwandiri semunhu ane mhotsi (dread). Aiti ndaneta kuramba ndichitevera munin’ina wako, endai muchinotaura nehama dzangu, endai munosvika kwasabhuku mutaurirane nehama dzangu.

“Endai munotaurirana nehama dzangu, kana pane anoda kutora mudzimai otora.
“Handicharangariri zvakawanda asi ndorangarira achitaura nezvekuchenura.
“Ndakaudza vabereki vangu pamwe chete nasadunhu saka pari zvino tiri kutaurirana nevemhuri yekwaNyika,” anodaro Chioniso.

Mutauriri wemhuri yekwaNyika anotsinhira nyaya iyi.

“Mazuva adarika, takavingwa nemupurisa wekwamambo uyo akatiudza kuti mhuri yekwanaChioniso inoda kutaura nesu kuti tiite chivanhu chekuchenura mwanasikana wavo ari kusangana nedambudziko rekusaroorwa.

“Zvichitevera kufa kwaTonderai, semhuri hatina kumbobvuma tsamba yaakanzi akanyora sezvo runyoro rwaivapo rwakanga rwakasiyana nerwaTonderai.

“Takapa mabhuku ake aaimbonyora nedzimwe tsamba dzaaimbonyora kuhama kuti vaone.
“Pane fungidziro yekuti akauraiwa nababa vaChioniso zvisina chikonzero chinonzwisisika mushure mekunge ashanyira musikana wake.”

Anoenderera mberi achiti: “Tinofungidzira kuti mhuri iyi yakaita zvekugadzira tsamba inonzi yakasiya yanyorwa nemufi iyi.

“Saka tinofanira kudzokera kumashure totsvaga kuti chii chakanyatsoitika uye kana vari kubvuma kuti vakauraya Tonde, zvose zvinofanira kunyorwa pasi.

“Zvinorwadza nekuti mutumbi waTonderai wakaonekwa watoipa uye dzimwe nhengo pakanga pasisina.
“Paanonzi akazviuraira pacho pakanga pasina umboo hunoratidza kunetsekana kana kurwisana asi mutumbi wakaonekwa wakarembera mumuti.

“Takaedza kutsvaga zvaitibatsira kuti tione kuti mukomana uyu akanga auraiwa asi takazvishaya. Takaona sekuti akauraiwa zvinova zvinopikisana nenyaya yekuti akazviuraya.”

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti: “Chioniso haana kugadzikana sezvo achinzi ari kushanyira n’anga dzakasiyana kuti achenurwe asi ari kungonzi une murume iye asina kuroorwa. Saka zvemba zvaramba.”

Share This:

Sponsored Links