Ongororo yemhando itsva yeCovid-19 yoitwa

02 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Ongororo yemhando itsva yeCovid-19 yoitwa Dr Mahomva

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

VANAMAZVIKOKOTA vezvesainzi muZimbabwe vari kuita ongororo yemhando itsva yeCovid-19 inozivikanwa nekunzi C.1.2, iyo yakaonekwa kuSouth Africa nguva pfupi yadarika uye inopararira nekukasika, nechinangwa chekuona kuti yavemo here munyika muno.

Boka reNational Institute of Communicable Diseases rekuSouth Africa rinoti mhando itsva yedenda iri inopararira zvakanyanya kudarika mhando yechirwere ichi apo chakatanga kunzvimbo yeWuhan, kuChina.

C.1.2 Covid-19 inonzi pari zvino yaonekwa kunyika dzinosanganisira Zambia, Mauritius neUnited Kingdom (UK).

MuZimbabwe, mhando yeDelta variant ndiwo iri kunyanya kubata vanhu apo iine chikamu che98 percent pavarwere vose veCovid-19.

Kusvika pari zvino, sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti mhando dzeCovid-19 dziri kunyanya kukurumbira dzinosanganisira Alpha iyo iri kubata vanhu kunyika dzinosvika 193 neDelta yatekeshera kunyika 170.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti pari zvino vanamazvikokota vezvesainzi vemuno vari mushishi yekuita ongororo yekuona kuti mhando itsva yeCovid-19 yakaonekwa kuSouth Africa haisati yave muZimbabwe here.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende uye neWHO ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi sezvo chichirimo munyika muno.

“Zvinoitika kuti hutachiona hunosanduka-sanduka saka hapana chitsva apa kunyangwe zvazvo tichiramba tichisimbaradza zvirongwa zvedu zvedziviriro sezvatagara tichiita. Tinoramba tichikurudzira munhu wose kuti angwarire panyaya yekuzvidzivirira kudenda iri uye vanamazvikokota vedu vezvesainzi vari kuita ongororo mumarabhoratari edu yekuona kuti mhando itsva iyi yakaonekwa kuSouth Africa yavemo here muno,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoenderera mberi vachiti, “Matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi achiripo, haasanduke zvisinei nekuti imhando ipi yechirwere ichi inenge iripo. Tinofanirwa zvakare kuramba tichitevedzera zviri kukurudzirwa panyaya yekuchengetedza utano izvo zvaona pachive nekuderera kwenyaya dzevari kubatwa nechirwere ichi nevari kufa masvondo adarika.

Dr Mahomva vanoti vanhu havafanirwe kuvarairwa vachifunga kuti sezvo mwaka wechando zvawadarika hapasisina njodzi yekupararira kweCovid-19 nekuti denda iri rinopararira kunyangwe mumwaka wekupisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>