Orambidza mudzimai kuenda kuchimbuzi

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Orambidza mudzimai kuenda kuchimbuzi

Kwayedza

Tendai Gukutikwa
MURUME anogara muChikanga, kwaMutare, anonzi anogara akavharira mudzimai wake mumba achimushaisa mukana wekuti aende kuchimbuzi.

Nyaya iyi yakabuda nemusi weMuvhuro wadarika apo Denford Rwanga akaendeswa kumatare edzimhosva nemudzimai wake Anna Nyamachure achikumbira gwaro rinomuchengetedza.

Vaviri ava vakamira pamberi pemutongi Nyasha Kuture uyo akapa Nyamachure gwaro rinomudzivirira.

Gwaro iri rinorambidza Rwanga kuti asarove kana kutuka Nyamachure uye kuti amupe mvumo yekushandisa chimbuzi pane ipi zvayo nguva.

Mutongi Kuture anoshora zvikuru kumbunyikidzwa kuri kuitwa mudzimai uyu naRwanga.

“Uri munhu anoshungurudza zvikuru, wanano haifaniri kuva nzvimbo yakaipa kudai asi kuti munhu wose anofanira kuwana kodzero dzake zvinomufadza. Haufanire kumurambidza kuva neshamwari dzaanoda uye kumurambidza kushandisa chimbuzi. Ndiri kukuyambira saka kana ukatyora mutemo uyu uchasungwa,” anodaro mutongi Kuture.

Nyamachure anoti aneta nekushungurudzwa nemurume wake.

“Mambo wangu, anoita kuti ndiswere ndiri mumba akandivharira zvisinei nekuti chimbuzi chedu chiri kunze kwemba. Anoti hakuna kwandinofanira kuenda pasina mvumo yake uye hapana kana zuva rimwechete raanondipa mvumo yacho. Anondirambidza kuwirirana nevamwe vatinogarisana navo kunyangwe vatinoroja navo achiti vanoita mabasa echipfambi,” anodaro Nyamachure.

Anotizve Rwanga ane katsika kekutengesa chuma chake nembatya kuti awane mari yedoro.

Achipawo divi rake, Rwanga akasetsa vanhu vaive mudare apo akati achambomira kunwa doro kwemazuva senzira yekugadzirisa hunhu hwake.

“Ndakaregedza kunwa doro svondo rapera uye handina kumbodhakwa zvandiri kutaura pano. Ndairambidza Nyamachure kuti asawirirane nemumwe mudzimai wemunharaunda uyo anoita mabasa echipfambi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Mudzimai iyeye anoita chipfambi chinorura chinozivikanwa nemunhu wose saka mudzimai wangu ari kutsamwa nazvo nekuti anomufarira. Ndinovimba kuti ari kuda kutevedza matsimba emudzimai iyeye asi anofanira kutevedza zvandinotaura sezvo ndisingade kumuona ainaye.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>