Uncategorized

Orima mbanje kudzinga madhimoni

20 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
Orima mbanje kudzinga madhimoni

Kwayedza

Danisa Masuku
MUDZIMAI wekuBulawayo anoti iye nemhuri yake vaitadza kurara husiku nekuda kwemweya wetsvina zvikaita kuti apedzisire akadyara mbanje nechinangwa chekudzinga mweya uyu.

Sithuliswe Ncube (54) akamiswa pamberi pemutongi Shepherd Mjanja wedare reWestern Commonage Court nemhosva yekudyara mbanje pamba pake.

Anoti iye nemhuri yake vakapotsa vatiza imba yavo nekuda kwe”mweya wetsvina” uyo waigogodza pagonhi remba yavo uchivatadzisa kurara zvakanaka.

Anoti imba yake yakange isisachagarike kusvika azoudzwa neimwe hama yavo kuti atsvage rubatsiro kun’anga.

N’anga iyi anoti yakamuti adyare mbanje muchivanze chake senzira yekudzinga mweya wetsvina uyo waimutambudza.

Ncube anoti akaterera shoko iri uye mushure mekudyara mbanje iyi, iye nemhuri yake vange vave kugara zvakanaka.

“Tange tasununguka, zvinhu zvaigogodza pagonhi redu zvakabva zvaenda sezvo ndakange ndadyara mbanje yakakomberedza imba yose,” anoudza dare.

Anobvuma mhosva yaari kupomerwa yekudyara mbanje pamba pake uye ari kutongwa achibva kumba.

Ncube anotarisirwa kudzoka mudare munguva pfupi iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yake kunenge kuchienderera mberi.

Share This:

Sponsored Links