Uncategorized

Oroverwa kudyiwa kweMakepepe

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Oroverwa kudyiwa kweMakepepe

Kwayedza

Milcah Nhakura
VANHU vaive mudare vakashamisika pavakanzwa mumwe murume achiti ari kuoneswa ndondo nemukadzi waaimbodanana naye uyo anomurikita kumurova pose panokundwa chikwata chenhabvu chaanotsigira cheCAPS United mumitambo yacho senzira yekupedza shungu.

Alexander Kuenda akamhan’arira Jacqueline Chikwanha kuCivil Court achiti ari kumushungurudza zvisina akamboona uye dzimwe nguva anomusvipira gararwa kumeso.

“Uyu aimbove musikana wangu asi takasiyana nekuda kwemhirizhonga yake. Anogona kana kundirova pakati pedhorobha. Ndinototya kufamba naye nekuti anogona kundizvuvira mumugwagwa kuti nditsikwe nemotokari.

“Kana Kepe-kepe ikadyiwa, ndinotoziva kuti ndapindana nacho nekuti anondirikita kuti yadyirwa chii. Anogona kutorova munhu anenge ati Kepe-kepe yadyiwa.

“Anofarira zvemabhuza zvekuti ndinofunga kuti anotombodanana navo nekuti muvarume vebhora haabvemo,” anodaro Kuenda.

Anoti Chikwanha kana twake twakakwidza, anomupfira mate kumeso.

“Akambondipfira gararwa kumeso uye anotukawo maporofita ekukereke kwangu nekuuya kubasa kwangu achindirova. Anotuka zvakare vakuru vebasa zvekuti ndave kutotya kudzingwa basa.

“Musi watarambana, ndakaona varume vachingobuda mumba make zvekuti ndakatoona ndega kuti akanga agara achiita zvevamwe varume tisati tarambana,” anodaro Kuenda.

Achipawo divi rake, Chikwanha anoti Kuenda haana mari uye pavaidanana ndiye aitomuchengeta.

“You don’t have money my dear. Ndini ndakakuchengeta uchigara kumba kwangu. Ndaikutengera kubva zvemukati nemadzokono chaiwo. Zvekudya ndaikutengera nyangwe rendi ndaibhadhara ndega asi nhasi wave kuda kunditi ndinokurova,” anodaro Chikwanha.

Anoti Kuenda aimubira mari yake.

“Akandibira US$5 yangu yandaida kunotoresa chitupa.

‘‘Kubva tichiri kudanana, ndaifonerwa nepfambi dzake dzichindiudza kuti tiri kugocha nyama kuno, vachigocha mari yangu.

“Ndiye anotouya kumba kwangu achikumbira ruregerero achiti usandisiye, hee ndinoda kudzoka kumba kwako.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Kuenda gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>