Orwisa Covid-19 nezvivezwa

09 Mar, 2022 - 10:03 0 Views
Orwisa Covid-19 nezvivezwa VaWellington Chingondi vaine chivezwa chavo chemunhu akapfeka mask

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anoita basa rekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery kuHatfield muguta reHarare orwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nezvivezwa zvichitevera kuveza kwaakaita mufananidzo wemunhu akapfeka mask senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vatevedze matanho ose aripo ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

VaWellington Chingondi (45), avo vanogara kuEpworth, vakatanga basa rekuveza matombo mugore ra1996 vari kunzvimbo yeTengenenge Art Centre kuGuruve.

Vanoti pfungwa dzekuveza munhu akapfeka mask dzakauya nekuda kwekufirwa uko vakaitwa nehama neshamwari dzakawanda munyika muno nekunze nechirwere cheCovid-19.

VaChingondi vanoti zuva nezuva zvinovashungurudza zvakanyanya kuona vanhu vakawanda vasina kupfeka mamask uye vakaita chitsoko-tsoko apo vanenge vari panzvimbo dzinosangana veruzhinji dzakadai sepazvitoro.

“Sevavezi, takangofanana nevaimbi nananyanduri nekuti tinosvitsa mashoko kuruzhinji kuburikidza nemabasa edu. Ndine chishuwo chekuti chivezwa changu chiende kunzvimbo dzinowanda vanhu dzakaita semuzvikoro nekumwe kwakasiyana kuitira kuti munhu akangosangana nechivezwa ichi, kunyangwe asina kupfeka mask yake zvakanaka, anoyeuchidzwa nacho,” vanodaro VaChingondi.

Vanokurudzira vaimbi nananyanduri kuti vabatane pakushambadza mashoko ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kune veruzhinji.

“Ndine zvakawanda zvandinoveza zvinongouya mupfungwa dzangu ndototanga kuveza ipapo. Dambudziko redu guru nderekuti pari zvino hatina vanotenga zvivezwa zvedu sezvo vanhu vanga vasiri kufamba zvizere nekuda kwechirwere cheCovid-19. Saka tinowanikwa tava kufa nenzara nekuti zvivezwa zvedu hazvizi kutengwa,” vanodaro VaChingondi.

Vanoti zvimwe zvavanoveza zvinosanganisira zvemicheno yevanhukadzi.

“Kare, taimbowana vanotenga vachibva kunze asi izvozvi nekuda kwechirwere cheCovid-19 havasi kufamba. Dai taiwanawo vanobva kunze kwenyika zvakaita sekumhiri vanotitorawo vachinotipa mabasa ikoko. Chikumbiro chedu kuHurumende kuti itibatsirewo kutsvaga misika kunotengeswa matombo edu,” vanodaro VaChingondi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Izvozvi tine zvivezwa zvasvika makore mana kana kudarika takangozvichengeta zvichishaya anotenga. Saka unoguma munhu wava kumbomira kuveza wotsvaga zvimwe zvekuita kureva kuti basa rekuveza rinopedzisira radzokera kumashure munyika yedu.”

Zvisinei, VaChingondi vanotarisira kuti basa ravo richasimukira zvakare munguva pfupi iri kutevera zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa neHurumende matanho ekuti vashanyi vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvizere vange vachitenderwa kupinda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links