Uncategorized

Oshandisa chimbuzi ‘door’ rakashama

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
TETE vekunzi havavhare musiwo wechimbuzi kana vapinda vachida kuzvibatsira vakazoendesa muzukuru wavo nemudzimai wake kudare vachiti vari kuvashaisa rugare.

Hazvinei Kunaka akamhan’arira Luckmore Kunaka naJoice Kunaka kuHarare Civil Court achiti vari kumupfuvisa.

“Mambo wangu, ini ndinogara kumba kwevabereki vangu nehanzvadzi yangu nemudzimai wake nokuti ndakasiyana nemurume wangu. Asi vanondituka kana nevana vavo vanotuka mashoko ekuti mukaanzwa munozorora. Vanonditi muroyi, pfambi, ndokusaka wakarambwa kumurume, wakavingei pano?” anodaro.

Anoenderera mberi: “Joice akatomboda kundipindira muimba yokugezera ndisina hembe achida kundirova uye chazonyanyoita ndiuye kuno vakati vanoda kundibaya nebanga.”

Luckmore anoudza dare kuti kubva zvakauya hanzvadzi yake kuzogara navo mushure mekunge arambwa nemurume, havana rugare.

“Hanzvadzi yangu kubva 2015 paakadzoka kumurume wake, anoshungurudza mukadzi wangu kusvika akazofunga zvokuda kuenda kumba kwavo. Vana vanorohwa chaizvo natete, anodira mvura chero pakagara vana ovadhuma kana kuvatsika oti wanzwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Vadzimai vangu ndivo vanonyanya kushungurudzwa. Ndakatombonzwa tete vachiti vhurai musuwo mamuri kugezera imomo ndigeze inini. Chimwezve, hanzvadzi yangu haitombondionawo sehanzvadzi, haatombondipa ruremekedzo. Anotopinda muchimbuzi, akavhura musuwo otoita zvose zvaanoda, ini ndiripo.”

Achipawo divi rake, Joice anoti ndiye ari kutoshungurudzwa zvakanyanya natete vake.

“Mambo wangu, ndakatoshamiswa nekupihwa mapepa ekuno kudare nokuti ndini ndaifanira kumhan’ara sezvo ndichishungurudzwa natete ava,” anodaro.

Anotiwo tete vake vanomuudza kuti pamba apa ndepababa vavo saka vanoita zvavanoda.

“Vanoti pamba ndepababa vavo saka havafanirwe kuudzwa zvekuita nemumwe munhu uye vakatombondiburitsa muimba yekugezera vachiti vaida kugeza ivo pamba pababa vavo ini ndatobvisa hembe ndikabuda matinogezera. Handina kuita nharo navo,” anodaro.

Joyce anoti vana vavo vanzwa nekurohwa natete vavo.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Hazvinei gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links