Uncategorized

Osvetwa ropa pakati peguta

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Osvetwa ropa pakati peguta Mai Cecillia Marisa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI ane bhizimisi muguta reHarare anoti ashaiswa rugare nevanhu vaanoti varoyi avo vanouya kumba kwake husiku vachimuruma muviri wake wose, kumudzipa nekumugara matunduru. Mai Cecillia Marisa (57) avo vanogara panosangana mugwagwa waJosiah Chinamano Avenue naThird Street vanoti vava nemakore matatu vachioneswa ndondo nevaroyi.

“Ndakapesana nemurume wangu uyo akangoenda kunoshandira kuSouth Africa mugore ra1994 ndokuroverako. Sezvo ndichirara ndoga, varoyi vechikadzi vanouya kunze kwave kunoedza kana pakati pehusiku vosvikopinda mumba gonhi rakakiiwa. Ndinozongoerakana ndave kurohwa,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti kana varoyi ava vave kuda kusvika, anozviziva nekupera simba nekunzwa dzungu, obva atovaona vapinda mumba vasina kupfeka.

“Vakadzi vari kundiita izvi ndinotovaziva, kazhinji vanouya vari vaviri kana mumwe chete uye ndiamai nemwana. Kazhinji kacho pavanopinda mumba, havataure asi vanosvikondidzipa ndichitoona uye ndakasvinura. Ndinoedza kuridza mhere asi ndinoshaya simba rekusimuka.

“Dzimwe nguva vanondivhara kumeso negumbeze, mumwe anoenda kumusana kwangu otanga kundiruma achiyamwa ropa, mumwe wacho ozondiisa chinhu chinenge tsono muhapwa achindikweva ropa,” vanodaro Mai Marisa.

Vanoenderera mberi vachiti dzimwe nguva varoyi ava pavanouya, vosvikotanga nekuvafunhidza kumeso nemuviri wose vachivananzva kusvika nekutsoka.

“Vakadzi ava vanouya vaine chimuti chitema, vondibaya nacho kumusana nepadumbu. Panguva iyi, ndinonzwa ndichidhonzwa ropa.

“Pamwe vanondirova zvakasimba nezvibhakera ndosara muviri wangu warukutika,” vanodaro.

Mai Marisa vanoti mamwe mazuva varoyi ava vanosvikovabvisa pamubhedha vachivaisa pasi, vovagara matunduru. Mumwe anogara kumusoro, mumwewo akavagara nechepachiuno kana kuti kumakumbo izvo zvinoita kuti vatambure pakufema.

“Ndapfidziswa veduwe, mari yangu yapera ndichifamba mudzin’anga nekumaporofita. Dai pawana vanondibatsirawo.

“Izvi zvakatanga mugore ra2016 kusvika nanhasi, varoyi vari kuita party neni. Ndinotozeza nekutya kunorara kana kunze kwadoka. Kuzeza kuti zuva rava kudokera ini.

“Izvozvi pandauya kuno nhasi (kuKwayedza), kunze kwave kuedza vauya vakandirova nechimuti kugotsi ndikaita sendafenda. Pavanopinda nekudzokera, ndikazotarisa dhoo ndinowana rakakiiwa nemukati,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinoita zvemabhizimisi, ndinorima fodya kuMvurwi uye ndine takishopu zvakare ikoko.

“Ndiri pamudyandigere sezvo ndaishandira muHurumende. Mari yangu yapera nenyaya iyi. Dai varoyi vandinzwirawo tsitsi.”

Mumwe wevanhu akafonerwa neKwayedza mushure mekupihwa nhamba dzake naMai Marisa vachiti ndewehukama akaramba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.

“Mapihwa nhamba dzangu nani? Leave me alone please, this is almost three years ndisina kuonana naamai ivavo. Nyaya dzavo dzekuti vanoroyiwa handidzizive. If you go on nestory yenyu I will sue you and your paper. Why mafonera ini chete panhamba dzakawanda dzamunoti makapihwa?” anodaro.

Nhare yemwanakomana wemudzimai uyu yaisadairwa apo akafonerwa neKwayedza.

Asi Sekuru Friday Chisanyu, vanove mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practitioners Association, vari kukurudzira mudzimai uyu kuti atsvage rubatsiro nekukasika kune vanogona.

“Muroyi muroyi kunyangwe akava wehukama kana mutorwa. Kutovaziva kwakatoipa sezvavari kuita nekuti muroyi haadi kuzivikanwa.

“Hamheno, zvichida ivowo amai ava vanogonawo kunge vasina kuchena munyaya iyi nekuti sei vachingovingwa?” vanodaro.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministries (RECFEMI) vanoti nyaya yaMai Marisa inongoda dzikinuro.

“Varoyi nguva yavo vanofara kana paine vanhu vari kurwadziwa nekuchema. Saka amai ava vanoda kubatsirwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>