Uncategorized

Otiza tsvina yevaroyi . . . Yakafuma yakazara mugomo

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Otiza tsvina yevaroyi . . . Yakafuma yakazara mugomo Bhaketi rine tsvina yemunhu rakaonekwa riri mumba maBangure — Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Milcah Nhakura naKingstone Mapupu
MUDZIMAI anogara mumusha weWarren Park 1, muHarare, nemusi weMuvhuro svondo rapera akamuka achiona mumba make maainge arere muine mugomo wainge uzere tsvina yemunhu nyoro.

Nekuda kwemashura aya, mudzimai wechidiki uyu akabva aronga kutama pamba paange achigara apa sezvo achiti tsvina iyi ndeyevaroyi.

Albertina Bangure (28) — uyo anga achigara panhamba 47/24 Crescent, Warren Park — anoti musi uyu akarara zvakanaka mumba make, ndokukiya gonhi husiku asi ndokuzofuma achiona mugomo (bhaketi) iro raanoshandisa kuitira weti rakazara netsvina yemunhu iyo yainhuhwa zvakanyanya.

“Ndakarara zvakanaka ndiri ndoga, mubhaketi musina chinhu uye husiku ndangomuka kamwe chete ndikaita weti. Mangwanani ano, ndazoona mubhaketi umu makazara madh**hi. Hakuna mumwe munhu akapinda mumba mangu izvo zvave kuita kuti ndifungire kuti mabasa ehuroyi,” Bangure akaudza Kwayedza achangobva kuona manenji aya.

Mudzimai uyu ane mwana mumwechete.

Anoti kwaakafamba akanzi tsvina iyi yakaitwa nevanhu senzira yekumushereketera nemishonga.

Varidzi vepamba apa vanoti Bangure anofanirwa kuziva kwakabva tsvina iyi sezvo aine katsika kekudanana nevarume vakawanda.

“Kwandafamba ndiri kunzi tsvina iyi mabasa ehuroyi izvo zvinonzi zviri kundipa munyama. Ndiri munhu anozvishandira, kushava chaiko saka dzimwe nguva iyi inzira yekundipa munyama.

“Hanzi ndikatadza kushandirwa tsvina iyi icharamba ichinditevera kwese kwandichaenda ichindipa munyama,” anodaro.

Bangure anoti anotengesa zvinhu zvakasiyana kunzvimbo dzinosanganisira Gweru nekumwe izvo zvinoita kuti nguva zhinji agare asiri pamba.

Albertina Bangure

“Kazhinji pamba panogara pakakiiwa sezvo ndichienda kunoshava nekutengesa. Handichaziva kuti pane zvakasara zvichiitika here panguva yandinenge ndisipo. Ndine vandakambotaudzana hangu navo asi handichaziva kuti zvine chekuita here nenyaya yetsvina iyi, hamheno.”

“Chiri kundinetsa ndechekuti yakaitwa nani mumba makakiiwa? Ndinongofunga kuti yakaitwa nemuroyi kana kuti zvidhoma nekuti ndizvo zvinopinda mumba makakiiwa,” anodaro Bangure.

Anotenda kuti manenji aya akaitika mwana wake asipo sezvo akamuendesa kwatete vake kuGoromonzi, izvo zvaanoti dzimwe nguva zvingadai zvakamukanganisa utano hwake.

Bangure anotiwo nguva yadarika akangoshaya zvipfeko zvake zvemukati apo ainge achangobva mukuzvigeza.

“Ndakatanga kushaya zvipfeko zvangu zvemukati zviviri, handizive kuti zvakaenda kupi. Nekuda kwenyaya dzose idzi, ini ndave kutoda kubatsirwa nevemweya,” anodaro.

Pakashanyira Kwayedza mudzimai uyu svondo rapera, mumba make raingova gutukutu kunhuhwa nekuda kwetsvina yaive mumugomo.

Mutori wemifananidzo Tertia Makurumidze nemutori wenhau Milcah Nhakura, vose vakapotsa varutsa nemanhuhwiro aiita tsvina iyi.

Bangure anoti ave kutya kugara mumba umu nekuda kwezvakaitika.

“Ndakatowana imwe imba muno makare saka ndichatama neChitatu (svondo rapera) asi tsvina iyi handizive kuti ndichaiita sei — ndichangoisiyawo mumba umu nekuti ndiri kunzi ndikaibata pane zvinoitika kwandiri. Hameno varidzi vemba vanozooonawo zvekuita nayo,” anodaro Bangure.

Sahwira wake, Talent Chimisa (24), anotsinhira achiti ari kumbochengeta shamwari yake kumba kwake.

“Ndiri kumbogara nasahwira wangu mushure mekunge atiza tsvina kumba kwake,” anodaro Chimisa.

Mbuya Dorothy Phiri — avo vanova varidzi vepamba paigara Bangure — vanotsinhira nyaya yetsvina yemunhu iyo yakawanikwa iri mubhaketi mumba meroja ravo. “Akandiudza kuti awana mumba make makazara tsvina yemunhu. Uyu munhu anoshanyirwa nevarume vakawanda, saka hatizive kuti zvakafamba sei kuseri ikoko,” vanodaro.

Mbuya Phiri vanoti rimwe zuva mahusiku, Bangure akambosiya avharira mwana wake anova mudiki mumba apo akarara achichema iye aenda kunosasana. “Sekuru vepano vanova murume wangu, VaRavaki Phiri, ndivo vakazomuti atsvage imba apo akanga achiramba kubvisa mari yemvura nemagetsi kuti isvike $90 sezvo aida iye kubvisa $60 chete,” vanodaro.

ASi Bangure anoramba nyaya yekuti anowanza varume neyekuti akambosiya avharira mwana wake mumba achienda kunosasana.

Vopawo maonero avo panyaya iyi, nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti Bangure akashinhirwa kuburikidza netsvina yemunhu.

“Tsvina yemunhu kuisirwa mumba kupihwa munyama mukuru uyo usingapere kunze kwekunge abatsirwa,” vanodaro.

Vanoti tsvina yemunhu inoshandiswa mabasa ane chekuita nekuroya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>