Uncategorized

Otsvaga rubatsiro rwekurapwa goitre

03 Nov, 2021 - 14:11 0 Views
Otsvaga rubatsiro rwekurapwa goitre

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUDZIMAI wekuMuzarabani otsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuvhenekwa nekurapwa padambudziko raanaro regurukuro riri kuramba richingokura (goitre) iro anoti rave nemakore gumi nematatu richimunetsa.

Mai Shylet Muzhoma vekuTete mubhuku maGanje, kuMuzarabani vanoti pari zvino vave kunetseka pakufema uye gurukuro iri riri kuramba richingokura.

“Pakutanga, ndaisanzwa kukura kwaro, ndaingoita zvekuudzwa nevanhu asi pari zvino rave kunditadzisa kufema zvakanaka. Ndave nemakore gumi nematatu chinhu ichi chatanga. Ndakaenda kuchipatara kuKaranda (Mission Hospital) ndikanzi ndibatsirwe kuHarare kuParirenyatwa (Group of Hospitals). Pari zvino ndakamirira kubatsirwa asi dambudziko nderekuti zvinenge zvichida mari yekubhadhara vanachiremba uye kuti ndivhenekwe,” vanodaro.

Vanoda kubatsira mudzimai uyu vakasununguka kumubata panhamba dzinoti 0786 703 689.

Share This:

Sponsored Links