Pagedhi handibve: Shumba

19 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Pagedhi handibve: Shumba Talbert Shumba

Kwayedza

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi wemaWarriors neNkana FC yekuZambia — Talbert Shumba — anoti acharwa semvumba kuti agoramba achishevedzwa kuzotambira chikwata chenyika ichi mumitambo yakasiyana.

Shumba ndiye aive mubati wepagedhi nemusi weMuvhuro kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare apo maWarriors akasangana neAlgeria mumutambo wekurwira kuenda kuAfrica Cup of Nations 2021 Cameroon uyo wakapera uri mangange 2-2.

Uyu wange uri mutambo waShumba wechipiri achitambira maWarriors.
Mutambo wake wekutanga waive wehushamwari apo maWarriors akasangana neMalawi kuMalawi uyo wakapera ari mangange zvakare 0-0.

Muhurukuro neKwayedza mushure mekunge mutambo wemaWarriors neAlgeria wapera, Shumba anoti chiremera chikuru chaakapihwa chekuti atambire chikwata chenyika ichi sezvo kuine vamwe vabati vepagedhi vakawanda vepamusoro vanotambira zvikwata zvakasiyana.

“Zvinhu zvinofadza uye chiremerera chikuru chandakapihwa kuti ndigomirira nyika yangu ndichiibatira. Zimbabwe izere nevabati vepagedhi vepamusoro saka kusarudzwa pamberi pavo zvinorakidza kuti ndiri kushanda nesimba uye basa randiri kuita riri kuyemurwa.

“Naizvozvo ndinopa kutenda kuna Mwari nemukana iwoyo uye ndicharamba ndichishanda nesimba ndichimirira vamwe vabati vepagedhi vemunyika yedu ndichavarakidzawo kuti kushanda nesimba kunounza muripo.
“Tese tinoda kutambira nyika yedu uye mukana ukauya tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tigoramba tichiwaniswa mumwe mukana,” anodaro Shumba.

Mutambi uyu vazhinji vanomuziva achibatira Chapungu United uye achangobva kusaina kondirakiti yemakore maviri kuchikwata cheNkana FC.

Muchinda uyu pachinzvimbo chemubati wepagedhi wemaWarriors achange achikwikwidza nevamwe vanosanganisira Elvis Chipezeze, George Chigova, Edmore ‘Zikeeper’ Sibanda naTatenda Mkuruva.
Zvisinei, anoti iye haaone seari kukwikwidza nevamwe vabati vepagedhi asi kuti ari kubatsirana navo mukumirira nyika kuti isvike kure mumitambo yakasiyana.

“Ini handizvione kunge ndiri nyanzvi pane vamwe vabati vepagedhi, kwete. Asi ndozviona sechizvarwa chemuZimbabwe chiri kumirira nyika yacho uye nevamwe vabati vepagedhi nekuti kana tikahwina tinenge tahwina senyika,” anodaro Shumba.

Zvakadaro, maWarriors parizvino akagara pechipiri muboka reGroup H aine zvibodzwa zvishanu kubva mumitambo mina yaatamba.

Chikwata chenyika ichi chakwanisa kuhwina mutambo mumwe chete uyo chakakunda Zambia 2-1, ndokuita mangange mitambo miviri inoti 0-0 neBotswana uye 2-2 ne Algeria.
MaWarriors akakundwa mumwe mutambo neAlgeria 3-1 uyo wakatambirwa kunyika iyi svondo rada rika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>