Pakaipa: Mhari

04 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Pakaipa: Mhari Petros Mhari

Kwayedza

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi weFC Platinum, shasha dzeCastle Premiership — Petros Mhari — anoti chikwata chavo mwaka uno hachizi kutamba zvinonwisa mvura izvo zviri kuchiona chakagara pechitanhatu palogo rePSL patambwa mitambo 20.

Mwaka wadarika, apo FC Platinum yakahwina mukombe wePSL kechina kakatevedzana, yakangokundwa mitambo mitatu chete.

Asi mwaka uno yakundwa mitambo mitanhatu mumitambo 20 yayatamba uye ndokuita makange mimwe mitambo misere.

FC Platinum pari zvino ine gomo guru rekukwira kuti igobata Highlanders iyo iri kutungamira palogo sezvo yakasiiwa nezvibodzwa 11 neBosso.

Bosso, iyo iri kutungamira palogo ine zvibodzwa 41 kuchiti Pure Platinum Play ine zvibodzwa 30 yakagara pechitanhatu palogo.

Muhurukuro neKwayedza, Mhari anoti mwaka uno chikwata chavo hachina kutanga zvinofadza uye vari kurwira kuti vasabude muligi iri sezvo pavakagara pasiri kuvafadza.

“Mwaka uno tikapona kusaburitswa muPSL tinenge tarwa chaizvo nekuti patakagara pari zvino hapasi kutifadza sechikwata.

“Tave kutoshingirira kuti tipedze tiri muzvikwata zviri pamusoro muTop 8 tigopedza tine chiremererawo mwaka uno,” anodaro Mhari.

Shasha iyi, anove kaputeni weFC Platinum, anoti mwaka uno haafunge kana vakakwanisa kuchengetedza mukombe wavo wePSL uyo vange vachisimudza makore mana adarika.

FC Platinum

Mhari anoti zvikwata zvese zvavanotamba nazvo pazvinouya kuzosangana neFC Platinum zvinenge zvichitamba nhabvu yepamusoro nekuda kunzi vakunda shasha yePSL.

“Kutaura chokwadi izvezvi hatisi kumbofunga zveligi isu, chatiri kufunga kuti tirambe tiri muPSL mwaka unotevera. Asi chikuru ndechekuti tiri kutora mutambo wese paunouya.

“Kana muri shasha dzePSL zvikwata zvese pamunosangana nazvo zvinenge zvichitotamba nhabvu yepamusoro zvichitoda mbiri yekunzi zvakakunda shasha dzemunyika dzePSL. Saka isu tave kutokwinya mitambo yedu yasara zvitibatsire kuramba tiri muPSL tigopedza tiri muTop 8,” anodaro Mhari.

Svondo radarika, FC Platinum yakaita zviri kundikana kuitwa nezvimwe zvikwata apo yakarakasha Highlanders 2-0 kuMandava Stadium kuZvishavane.

Highlanders mwaka uno iri kutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zviri kuiona ichitungamira palogo uye ichinetsa kukunda.

Svondo rino, FC Platinum iri kunanga kuLuveve kuBulawayo uko ichanosangana neBulawayo Chiefs nemusi weMugovera.

Mimwe mitambo iriko svondo rino, ichaona Dynamos ichienda kuKariba kunosangana neCranborne Bullets kuNyamhunga Stadium nemusi weMugovera, kuchiti kuBulawayo kune Bulawayo Derby pakati peHighlanders neChicken Inn kuBabourfields musi weSvondo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>