Panhomba Zim iri mugwara

30 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Panhomba Zim  iri mugwara VaRusike

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke

KUUNZWA kuri kuitwa mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19, zvichibatana nehuwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni pazuva, kuri kubatsira zvikuru mukusimudzirwa kwechirongwa ichi izvo zvichaita kuti Zimbabwe inge yakadziviririka kudenda iri kusvika panopera gore rino.

Nyika ino ine chinangwa chekubaya majekiseni kuvanhu vanosvika 10 miriyoni kuti inge yakadzivirirwa kudenda iri uye kusvika pari zvino vanhu vanodarika 4 miriyoni vabaiwa nhomba dzekutanga (1st dose) nedzechipiri (2nd dose).

VaItai Rusike, avo vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health (CWGH), vanoti vane idi rekuti hurongwa hweHurumende hwekubaya majekiseni kuchikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika muno hunobudirira panozosvika mwedzi waZvita.

“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubaiwa majekiseni kubvira mazuva mashoma adarika kunofadza zvikuru sezvo zvichigona kuita kuti tikwanise kusvika pahuwandu huri kudiwa hwechikamu che60 percent chevanhu vose vari muZimbabwe kuti nyika inge yakadzivirirwa kuchirwere ichi. Tinogamuchira zvakare kuwanikwa kuri kuitwa mushonga wemajekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 nguva nenguva,” vanodaro VaRusike.

Vakawanda pari zvino vari kuda kubaiwa majekiseni aya izvo zviri kuita kuti nzvimbo dzinobairwa vanhu dzizare.

Svondo rapera, dare reCabinet rakaita chisungo chekuti vane makore 14 kusvika 17 okuberekwa vapindewo muchirongwa chekubaiwa majekiseni aya.

VaRusike vanoti zvakakosha kuti vadzidzi vabaiwe majekiseni nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19 muzvikoro.

Hurumende, vanodaro VaRusike, inofanirwa kutenga mushonga wakawanda wemhando yeSputnik V neCovaxin kuitira kuti avo vakabaiwa majekiseni ekutanga varege kumirira nguva refu vasati vabaiwe echipiri.

Vanoti kunyangwe zvazvo chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka, pane basa richiri kuda kuitwa kuti vanhu vagere kunharaunda dzakasaririra dzenyika vange vachibaiwa majekiseni aya.

“Vashandi vezveutano vemunharaunda vanokwanisa kuita basa guru rekubatsira muchirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni vachishanda pamwe nemizinda yezveutano mukuvhara mukaha unenge uripo.

“Vashandi ava vanobatsira zvakare mukupa dzidziso yakasimba kunharaunda pamusoro pekukosha kwekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuburikidza nekurwisa kufambiswa kwemashoko enhema maringe nedenda iri,” vanodaro

Kusvika pari zvino, Zimbabwe yawana majekiseni 13 miriyoni ekudzivirira Covid-19 kubva pa20 miriyoni ari kudiwa kuti nyika inge yakadzivirirwa kudenda iri.

MunaNyamavhuvhu, Zimbabwe yakawana majekiseni 2,5 miriyoni uye mamwe 2,5 miriyoni ari kutarisirwa kusvika munaGunyana.

Majekiseni aya akatengwa nemari yakaiswa padivi neHurumende kuti ishandiswe muchirongwa ichochi.

Mamwe majekiseni 943 200 ari kutarisirwa zvakare kusvika munyika muno pasi pechirongwa cheCOVAX.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>