Uncategorized

Pasika: Chinamato nechivanhu

17 Apr, 2019 - 15:04 0 Views
Pasika: Chinamato nechivanhu Tambudzai Churu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vanoti vagadzirira zororo rePasika apo vachaenda kumagungano emachechi akasiyana uye vamwewo vachitora mukana uyu kunobika doro rekupira midzimu yavo senzira yekuitenda nekuchengetwa kwavari kuitwa muupenyu.

Mamwe machechi seRoman Catholic vakatotanga nemusi weSvondo wadarika hurongwa hwePasika kuburikidza nechirongwa chinozivikanwa nekuti Palm Sunday apo vaifamba vakatakura masanzu emuti wemurara vachiimba.

Uyu unonzi mucherechedzo wezvakaitwa naJesu Kristu paainge achipinda muJerusarema achigadzirira rufu nekuzomuka kwake.

Kwayedza svondo rino inokurukura nevanhu vakasiyana avo vanotaura pamusoro pehurongwa hwavo pazororo iri.

Mai Tambudzai Churu (50) vekuMbare — avo vanopinda chechi yeJohane Masowe yeChishanu — vanoti vachaenda kugungano rechechi kunocherechedza zororo iri pamusangano mukuru wepagore.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Auxillia Muzizi (62) vachiti vachange vachapinda muzvirongwa zvekunamatirwa zvinodaidzwa kuti ma”one on one” nemufundisi wavo kukereke yeGlory Faith Ministries.

“PaEaster tinorangarira kufa kwaJesu apo akatisunungura. Ndiyo nguva yekureurura nekutsidza kuti hatichazodi kuramba tichitadza zvakare nekuti matadzo edu anodzimbira mavanga aJesu.

“Isu kukereke kwedu, tichaenda kuzvirongwa zvema‘one on one’ namufundisi wedu apo vanorwara vachaporeswa nekubatsirwa kweruzhinji kubva kumatambudziko akasiyana. Ndingati tichatora zuva iri sezuva rekudzikunurwa,” vanodaro.

Reverend Madzivire

Reverend Tsitsi Madzivire vechechi yeUnited Methodist Church Seke North Circuit vanoti kungodya mazai (Easter eggs) chete pasina kunamata kwezvokwadi hakuna zvakunobatsira.

“Chakakosha paEaster kurangarira kufa nekumuka kwaJesu. Hongu, panguva iyi maEaster eggs anenge achitengeswa muzvitoro zvakasiyana nokutiwo ndiwo mukana unotorwa nevemabhizimusi kuita mari, asi Bhaibheri rinoti munhu haangararami nechingwa bedzi asi neshoko raMwari.

“Isu vemachechi tichatora mukana uyu mukugoverana shoko raMwari. Kufa nekumuka kwaJesu ndiko kubarwa kwekereke,” vanodaro.

Kuchiti mutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vanotiwo varapi vazhinji vachange vachiita mapira ekutenda vadzimu vavo vanovaita kuti vabudirire muupenyu.

“Varapi vazhinji vachange vari kumamisha vachirova makuva ehama dzavo pamwe nekubika madoro emapira ekutenda vadzimu vavo.

“Asi tine vemachechi vari muboka redu avo vachaenda kumisangano yekurangarira kufa nekumuka kwaJesu,” vanodaro.

Muzvitoro zvizhinji zvemuHarare, Kwayedza yakaona makashongedzwa zvakanaka muine zvekudya zvinosanganisira maEaster eggs — pakati pezvimwe — senzira yekukwezva vatengi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>