Pava kudiwa ongororo – WHO

15 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Pava kudiwa  ongororo – WHO Dr Gasasira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUMIRIRIRI wesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) – Dr Alex Gasasira – avo vakafanobata chigaro chaUN Resident Coordinator muZimbabwe, vanoti zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, zvakakosha kuti paitwe ongororo yakadzama sezvo denda iri richisanduka-sanduka uye kuti pave nezvekushandisa zvinokwanirana kurirwisa.

Vachitaura pachirongwa chakaitwa padandemutande nesangano reHealth Communicators Forum rakabatana nereHumanitarian Information Facilitation Centre chekufundisa vatori venhau venyika dzakasiyana maringe nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri, Dr Gasasira vanoti varapi vanofanirwa kuve neruzivo pamusoro pechirwere ichi.

“Pari zvino handifungi kuti tingaramba tichishanda nefungidziro yekuti kurwara kuri kuita vanhu vakawanda nekuda kwechikosoro tingati iCovid-19 uye kuti imhando dzipi dziri kutenderera muZimbabwe nekuti zvose izvi zvinobva muongororo dzinenge dzichifanira kuitwa.

“Zvekare kana munhu achinge avhenekwa hatingazivi kuti ari kurwara nemhando ipi yeCovid-19 nekuti chinobuda bedzi kuti munhu ane Covid-19 here kana kuti kwete. Panhau yemhando iri kubata vanhu, panenge pava kuda zviya zvinenge zvakatorwa muvanhu (samples) kuti zvichinovhenekwa zvekare kumarabhoritari paonekwe kuti imhando yerudzii yeCovid-19 iri kushungurudza vanhu,” vanodaro.

Dr Gasasira vanoenderera mberi vachiti, “Sangano reWHO pari zvino harisati rapa mvumo yekuti veruzhinji vange vachibaiwa majekiseni ekututsira maviri akatanga kubaiwa vanhu mukudzivirira nhomba yeCovid-19 (booster shots). Tinovimba bedzi kuti kana vanhu vakabaiwa majekiseni maviri kureva kuti vanenge vakadzivirirwa zvakanyanya.

“Zvisinei, kune vamwe vanhu vakadai sevakwegura, vanorarama nehutachiona hweHIV kana vane zvimwe zvirwere izvo zvinoita kuti masoja avo emuviri aderere achikundikana kurwisa zvirwere vanokwanisa havo kubaiwa nhomba dzechitatu idzi.”

Vanoti hutachiona hweCovid-19 hunoramba huchingoshanduka nguva nenguva zvinova zviri kuvhiringidza kunyangwe nyanzvi dzezveutano.

“Kuti titi munhu anobatwa nemhando mbiri dzechirwere ichi panguva imwe chete, panoti netsei asi kuti munhu anogona kubatwa nemhando dzakasiyana munguva yakatevedzana apo anorwara kwenguva refu nekuda kweCovid-19. Vanhu ivavo vanoramba vachirwara kwenguva refu vachirwadziwa nemuviri saka pachiri kuitwa ongororo yekuona kuti sei vamwe vachikundikana kupora kubva kuchirwere cheCovid-19 mukati menguva diki,” vanodaro.

Dr Gasasira vanoti zvakakosha kuti vanhu vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19 uye kuti Hurumende ione kuti ndeipi mikaha iri kuita kuti vanhu vakundikane kubaiwa kuitira kuzadzikisa chisungo chekuti chikamu che60 chevanhu vose vari munyika muno vabaiwe nhomba idzi.

Vanoti ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti vanhu vakabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 dzose dziri mbiri kana vakabatwa nedenda iri havarwari zvakanyanya.

“Vanhu vazhinji vakadzivirirwa chirwere cheCovid-19 kubudirikidza nekubaiwa nhomba havasi kurwara zvakanyanya nokudaro zvinoratidza kukosha kwekubaiwa nhomba,” vanodaro Dr Gasasira.

Share This:

Sponsored Links