Uncategorized

‘Pedzai kutengeswa kwenyama yemukoto’

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
‘Pedzai kutengeswa kwenyama yemukoto’ VaMichael Charimba

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena naMalven Mugadzikwa

VERUZHINJI vari kuchema-chema nekuda kwenyama yemombe inonzi ine zvirwere iyo iri kutengeswa pamusika wemukoto kunzvimbo dzakasiyana.

Izvi zvinotevera yambiro iri kupihwa nechikamu chinoona nezvekurapwa kwemhuka, cheDepartment of Livestock and Veterinary Services (VET), icho chiri kukurudzira veruzhinji kuti vadye kana kutenga nyama yakavhenekwa, kwete yavasina idi nayo seiri kutengeswa mumabhuti edzimota kana mumigomo.

Veruzhinji vanopa Kwayedza mafungiro avo pamusoro penyama iyi.

Mai Moddie Same vekuEpworth vanoti vamwe vanhu vari kupedzisira vatenga nyama panzvimbo dzisina kukodzera sezvo muzvitoro iri kudhura.

“Isu nyama yemubhucha kana muchitoro hatiikwanise, inodhura saka tinototenga yepanze kuvanhu vanotengesa nemutengo wakaderera. Asi iri nyaya yezvirwere zviri kutaurwa, zviri nani kuti kuiswe michina inoongorora nyama yose isati yatengeswa,” vanodaro Mai Same.

VaAbert Sandole vekuBindura vanotsinhira vachiti kuoma kweupenyu ndiko kuri kukonzera kuti vamwe vanhu vanotora nyama yemombe dzinenge dzafa nezvirwere kumaruwa vachizoitengesa numadhorobha nemaguta kuti vawane mari.

“Vanhu vakaomerwa asi zvakachipa zvinodhura. Zviri nani kutenga muzvitoro zvinozivikanwa nekuti nyangwe ikadhura, unoziva kuti ndine utano. Kudya nyama dzine zvirwere zvinotoisa utano hwako panjodzi uye unozopedzera mari mukurapwa wava kurwara,” vanodaro.

VaMichael Charimba vanogara kuWarren Park, muHarare, vanoti kune vakawanda vari kutenga nyama yepamukoto izvo zviri kuisa utano hwavo panjodzi.

“Pari zvino paMereki chaipo (kuWarren Park kwakare) panonzi pari kutengeswa nyama iyoyi yakaderera mutengo uye vazhinji vari kuti iri kubva kumaruwa kune mombe dziri kufa dzega. Ko izvi zviri kuitika sei tiine vemitemo vanogona kusunga vanhu vari kutengesa nyama zvisiri pamurawo nekuuya nayo kuno kumaguta?

“Kare taiziva kuti nyama yaidhindwa kumakambani mahombe yozotengeswa yatanga yaongororwa asi zvino munhu ava kungouya nenyama yake parutivi pemugwagwa otanga kutengesa iri mumugomo. Nyama yose ngaitengeswe pamutemo kwete mazvake mazvake,” vanodaro VaCharimba.

Sekai Sithole anoti nyama yemombe yose inofanira kumira kumbotengeswa, vanhu vombodya nezvimwe.

“Hurumende ngaimbomisa kutengeswa kwenyama yemombe. Kune mamwe maruwa, kune vari kuita chitsotsi vachiuisa nyama kumadhorobha zvisiri pamutemo. Nyama iyi ikaramba ichitengeswa kuchapedzisira kwamuka matenda asinganzwisisike,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links