Presidential Borehole Drilling Scheme yorumbidzwa

12 Jan, 2024 - 15:01 0 Views
Presidential Borehole Drilling Scheme yorumbidzwa Vanhu vachichera mvura pachibhorani kuSt Mary's kuChitungwiza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAGARI vemuChitungwiza vorumbidza zvakanyanya chirongwa chemutungamiriri wenyika chekucheresa zvibhorani chePresidential Borehole Drilling Scheme sezvo chiri kuita kuti vawane mvura yekushandisa panguva ino yekurwisana nechirwere chemanyoka echolera.

Kwayedza payakashanyira nzvimbo iyi svondo rino yakawana vanhu vari mushishi kuchera mvura pachimwe chezvibhorani zvakachereswa nemutungamiriri wenyika, President Mnangagwa.

Mbuya Rhodha Chibwe vekuSt Mary’s vakapembedza President Mnangagwa nekuvawanisa mvura.

“Chibhorani chino chakauya senyevenutso kuupenyu hwedu nekuti taiva vanhu vaingochera mvura mumatsime ane tsvina zvichitevera kusabuda zvakanaka kwemvura yemupombi. Vanhu vairwara nemanyoka echolera nehuwandu asi iko zvino zviri nani. Kanzuru iri kutipa zvekare mapiritsi ekuchenesa mvura kuti tirwise denda remanyoka iri ratekeshera nenyika,” vanodaro.

VaTariro Hativatyi vemunharaunda imwe chete iyi vanoti kudai huwandu hwezvibhorani hwawedzerwa kuitira kuti vanhu vasaswera vakaungana vachitsvaka mvura sezvo zvichiita kuti varasikirwe nenguva dzekuita mamwe mabasa.

Kuchera mvura machibharani

VaLeonard Liyaya vemuSt Mary’s mekare vanoti  dambudziko remvura muChitungwiza richakakura asi rinoda mukomberanwa weHurumende, kanzuru nevamwe vatsigiri kuti nzvimbo iyi iwaniswe dhamu rayo remvura uye irumurike mukuwaniswa mvura nekanzuru yeHarare.

“Tinotenda zvikuru Cde Mnangagwa nekutiwanisa zvibhorani zvemvura nekuti kana pasina mvura hapana hutsanana,” vanodaro.

VaTafadzwa Kachiko

Mukushi wemashoko kukanzuru yeChitungwiza, VaTafadzwa Kachiko, vanoti pane matanho avari kutora ekuona kuti mvura yawaniswa kune veruzhinji.

“Kushaikwa kwemvura kunokonzera matambudziko gumi nefararira munharaunda dzedu sekuti kana isiko mapombi anofambisa suweji anovhara. Zvirwere zvemanyoka zvinowanda saka tiri kushanda nevatsigiri vakasiyana kuti tione kuti mvura yawaniswa kuvagari,” vanodaro.

Vanoti vane hurongwa hwekugadzirisa zvimwe zvezvibhorani zvakafa kuti vagari veko vawane mvura yakaringana.

“Tinozivisa zvekare vagari kuti muzinda wedu wePrince Edward Treatment Plant wakatanga kupomba mvura kubva nomusi wa30 Zvita 2023,” vanodaro.

“Vanhu vari kugara kunzvimbo dzakakwirira vane mikana yekukundikana kuwana mvura yemupombi nekuda kwekuti hazvisi nyore kuti ipombwe kuenda kudzimba dzavo, zvikuru sei kana kusina magetsi. Tinokurudzira vanhu kuti vachengetedze mvura uye kuti vaya vakachera zvibhorani nerweseri vange vachinyoresa kuti vakwanise kubhadhara mitero.”

Kwayedza payakamema nharaunda iyi yakadzidza kuti vamwe vari kutotenga mvura mudzimba dzevamwe vavo vakachera zvibhorani, vamwe vachinwawo yekutenga muzvitoro uye suweji iri kungoyerera zvisina tsarukano mune dzimwe nzvimbo.

Mukushi wemashoko paChitungwiza Central Hospital, Dr  Audrey Tasaranarwo, vanoti chipatara chavo chakatoisa matende nechekunze ayo ari kubatsira varwere vane manyoka echolera.

“Pachipatara pano tinotambira varwere vanobva kune dzimwe nzvimbo dzisiri muno muChitungwiza dzakadai seWedza, Chihota, Marondera neHarare saka panozara zvikuru zvinoita kuti varapi vawandirwe nebasa. Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vageze maoko nesipo vachishandisa mvura inomhanya, kudya chikafu chichiri kupisa uye kuti vasiyane nekuitira tsvina kuseri kwemakwenzi asi kuti vashandise zvimbuzi nekuti nhunzi dzinotakura hutachiona hwouya kuchikafu chinozodyiwa nevanhu vopedzisira vava kurwara. Kudzivirira kwakakosha pane kurapa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>