PSL: Vanhu votaura

19 May, 2022 - 21:05 0 Views
PSL: Vanhu votaura Mhirizhonga yakaitika kuBabourfields pamutambo weHighlanders neDynamos nemusi weSvondo wadarika

Kwayedza

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya dzemhirizhonga dziri kuitika kumitambo yakasiyana izvo zvakazokonzeresa kuti Premier Soccer League itore danho rekumisa mitambo yose yeCastle Premiership.

Svondo radarika kunhandare yeBarbourfields, kuBulawayo pamutambo weDynamos neHighlanders, vatsigiri vakapinda munhandare ndokutanga kubvarura mambure epagedhi pamwe nekuda kudzura mapango acho uye vamwe vachinorwisa varidzi vepembe.

Mutambo uyu wakazomiswa usati wapera apo Bosso yaive yakatungamira 1-0 nekuda kwemhirizhonga iyi.

Izvi zvakaita kuti PSL itore danho rekumisa mitambo yose nemusi weMuvhuro uno.

Muhurukuro neKwayedza, mutsigiri mukuru wenhabvu ane mukurumbira munyika, Chris “Romario” Musekiwa anoti danho rakatorwa nePSL rakanaka zvikuru sezvo mhirizhonga yange ichiitwa nevatsgiri vezvikwata zvakasiyana isiri kurakidza chimiro chakanaka chemutambo uyu.

Chris ‘Romario’ Musekiwa

Anoti nhabvu inofanirwa kubatanidza vanhu kwete kuita zvemhirizhonga nekudaro vose vanokonzera kusagadzikana mumutambo uyu vanofanirwa kurangwa maringe nemutemo.

“Danho rakatorwa nePSL takarigamuchira zvikuru nemaoko maviri kuti vambogadzirise nyaya dzemhirizhonga idzo dziri kukanganisa chimiro chenhabvu yedu. Munhabvu, hamuna nzvimbo yemhirizhonga saka isu sevatsigiri tiri kuti bodo mhirizhonga, taramba.

“Vari kuzviita tinoti ngavasungwe nekuti vari kukanganisa chimiro chemutambo wedu izvo zvave kudzinga vakotsveri vanenge vachida kudira mari mumutambo kuti usimukire,” anodaro Romario.

Kuchiti mumwe mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, Adomsi Mukwasi, anotiwo PSL yakanonoka kutora danho iri sezvo mhirizhonga yave nenguva ichiitika.

Anoti zvikwata zvine vatsigiri vari kukonzera mhirizhonga ngazvibhadhariswe muripo unorwadza pamwe nekubvisirwa zvibodzwa.

Izvi, anodaro Mukwasi, zvinopa chidzidzo kune zvimwe zvikwata kuti zvifundise vatsigiri vazvo pamusoro pekuipa kwemhirizhonga munhandare.

Adomsi Mukwasi

“PSL inofanirwa kutobata basa sebasa mukugadzirisa nyaya dzemhirizhonga idzi. Ngaigare pasi nehutungamiri hwevatsigiri vezvikwata zvakasiyana voonesana kuti mhirizhonga yopera sei.

“Nhabvu isati yatanga, ngapaitwe zvirongwa zvekushambadza kuipa kwemhirizhonga, vatsigiri votaurwa navo kuti vasiyane nemhirizhonga uye kuti vaone nhabvu murugare,” anodaro Mukwasi.

Mutauriri weDynamos FC, Tinashe Farawo, anotiwo chikwata chavo chiri kushushikana zvikuru nenyaya yemhirizhonga, kunyanya yakaitika kunhandae yeBabourfields svondo radarika izvo zvakazokonzera kuti mutambo wavo umiswe.

Pachinyorwa icho chakatumirwa paTwitter, Farawo anoti, “Dynamos inosuwiswa zvikuru nenyaya yemhirizhonga yakaitika mumutambo wedu neHighlanders zvikazokonzera kuti mutambo umiswe panzira.

“Chikwata chedu chinoshora zvikuru mhirizhonga yose inoitika kunhandare dzakasiyana.

“SeDynamos, takazvipira mukukurudzira kupedza mhirizhonga munhabvu yedu sezvo ungori mutambo wemhuri uyo unofanirwa kutambwa munzvimbo yakasununguka. Pakupedzisira, tese tiri vanhu vamwe chete, tiri zvizvarwa zveZimbabwe wani tose.”

Share This:

Sponsored Links