PSL yorodza mazino

26 May, 2022 - 20:05 0 Views
PSL yorodza mazino Kudzai Bare

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League inoti zvikwata zvine vatsigiri vachabatwa nemhosva yekuita mhirizhonga kumitambo zvichabvisirwa zvibodzwa kana kubhadhariswa faindi inorwadza, pakati pezvimwe zvirango.

Achitaura neKwayedza svondo rino apo mitambo yePSL iri kutarisirwa kudzoka zvichitevera kumbomiswa kwayakaitwa svondo radarika nekuda kwemhirizhonga, mutauriri wePSL, Kudzai Bare anoti kune matanho akawanda avakakurukura nezvawo svondo radarika ayo vari kuendesa kubhodhi ravo iro richagara svondo rino kuti agozeyewa.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa nePSL wekutsvaga nzira dzekupedza mhirizhonga nemapoka anosanganisira mapurisa eZimbabwe Republic Police, Sports and Recreation Commission, zvikwata zvenhabvu nevaridzi vepembe.

“Tine zvakawanda zvatakakurukura izvo tichapira kubhodhi redu iro richagara pasi pamusangano weAGM. Kana bhodhi rapasisa, tichazozivisa nyika yose kuti ndeapi matanho atichatora.

“Mamwe ematanho aya anosanganisira kubvisira zvibodzwa chikwata chine vatsigiri vanenge vakonzeresa mhirizhonga kana kuchibhadharisa faindi yakasimba. Nyaya yemhirizhonga iyi ihombe saka tiri kushanda zvakasimba kuti tigoipedza nhabvu itambwe munharaunda yakasununguka,” anodaro.

Bare anoti PSL ine basa guru rekubata mukushanda nemapoka akasiyana anosanganisira vatsigiri venhabvu avo vavachaita hurukuro navo yekutsvaga nzira dzekupedza mhirizhonga inoitika kunhandare kuitira kuti mitambo ifambe zvakanaka.

Anoti vanozviziva kuti mamwe ematanho avachatora achabatsira zvakasimba kupedza mhirizhonga sezvo hakuna vatsigiri vanoda kuona chikwata chavo chichibvisirwa zvibodzwa.

“Tichashanda nehutungamiri hwevatsigiri vezvikwata tichionesana panyaya yemhirizhonga iyi.

“Tinoziva kuti vatsigiri venhabvu vanoda kuona zvikwata zvavo zvichibudirira naizvozvo danho rakadai sekubvisira zvibodzwa chikwata chine vatsigiri vanoita mhirizhonga zvichabatsira sezvo pasina anoda kuona chikwata chake chichibvisirwa zvibodzwa zvichinzi ndiye akonzera mhirizhonga,” anodaro.

PSL, anodaro Bare, ichange ichishandawo zvakanyanya nemapurisa eZRP izvo zvichaona vatsigiri vanenge vabatwa vachiita mhirizhonga vachisungwa uye kutemerwa zvirango zvekusatsika kunhandare dzenhabvu kweupenyu hwose.

“Iyambiro iyi kuvatsigiri venhabvu vanoita mhirizhonga kuti anenge abatwa achasungwa. Isuwo tichamutemera zvirango zvekuti hatidi kumuona achitsika kunhandare dzenhabvu dzemuno.

“Saka kana mutsigiri wenhabvu achida kuramba achiona nhabvu akasununguka, ngaasaite mhirizhonga, ngaangouye atsigire chikwata chake,” anodaro Bare.

Zvakadaro, mumitambo iriko svondo rino, ichaona Dynamos FC ichisangana neHerentals nemusi weSvondo mumutambo uchabuda paterevhizheni itsva ichangoparurwa yeZTN Prime, kuchiti CAPS United iri kunanga kuLuveve uko ichasangana neBulawayo Chiefs.

Musi weMugovera, Highlanders ichange iri kuKariba uko ichatatsurana neZPC Kariba kunhandare yeNyamhunga Stadium.

Harare City ichasangana neBulawayo City nemusi weMugovera mumutambo zvakare uchabuda paZTN Prime.

Share This:

Sponsored Links