‘Ramangwana rirongere’

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
‘Ramangwana rirongere’ Alfonso “Mosquito” Zvenyika

Kwayedza

Abel Ndooka

ALFONSO “Mosquito” Zvenyika, uyo akambonetsa mutsiva, okurudzira vechidiki kuti vashandise mari yavanowana mumutambo uyu nemazvo kuitira mune remangwana vasazochema kana vave kukwangwaya.

Mosquito anoti gore rino rapa dzidziso huru kuruzhinji, kunyanya kune vari mune zvemitambo kuti mari inoda kuchengetedzwa zvakanaka kuitira ramangwana.

“Gore rino radzidzisa vanhu zvokwadi kuti mari inofanirwa kuchengetedzwa uye munhu unofanira kuzvigadzirira remangwana rako.

“Ukasangwarira mangwana unochema nzara yapinda mumba mako uye hapana anozombokucheuka kana bete chairo,” anodaro Mosquito.

Muchinda uyu, uyo akaita mukurumbira apo akahwina bhande reCommonwealth Light Flyweight Championship mugore ra1998, anotiwo zvakakosha kuti vatambi vetsiva vazive kodzero dzavo uye vazvimirire kubva kumapuromota anoda kuita mari navo asi ivo vachidya nhoko dzezvironda.

“Vapfana vedu vanofanira kungwarira kushandiswa mahara nekuti vanoitisa vamwe mari ivo vosara vachichema nenzara uye ndinozviona hangu nguva nenguva.

“Ngavangwarire, izvezvi vatambi vakawanda vari kuchema nenzara havana pekutangira ende hapana kana ari kumbovarangarira.

“Mamaneja avo kana mapuromota acho havasi kuvabatsira asi zvinhu pazvinenge zvichiendeka paye ndivo vanenge vari pamberi vachivadyira mari yakawanda chaizvo,” anodaro.

Mosquito anoti vatambi vose vetsiva vanofanira kugara pasi voumba sangano ravo nehomwe yemari inozovabatsira mune remangwana.

“Sevanhu vari mutsiva tikabatana ngatiumbei boka redu nehomwe yedu inopinda mari, mari iyi inozotibatsira mune remangwana.

“Zvinorwadza kuti vamwe vatambi vakaita mukurumbira kare mukavaona nhasi movanzwira tsitsi nekuti vari kukwangwaya, havana pekutangira.

Saka homwe iyi yakakosha uye tinenge tichingonokora imomo tichibatsira madhara edu aya,” anodaro Mosquito.

Mosquito, uyo nguva yadarika ange ave kurairidza tsiva achibika vatambi vemangwana, anoti parizvino agere hake kumba kwake uye ari kutevedzera mitemo yakatarwa neHurumende nemamwe mapoka akasiyana yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links