‘. . . regai kungochema’

06 Jul, 2021 - 09:07 0 Views
‘. . . regai kungochema’ Smart Matewu (kuruboshwe) naRobbie Mandiki

Kwayedza

Abel Ndooka

VAIMBI venziyo dzechitendero – Robbie Mandiki naSmart Matewu – vari kupa kurudziro kuruzhinji, kusanganisira vemagitare nemadhirama, kuti vashandise maoko avo mukutsvaga raramo sezvo mabasa avo akanganiswa neCovid-19.

Mandiki naMatewu vakashanda vose vachitanga zvemimhanzi ndokuzoparadzana mumwe nemumwe vonotanga zvikwata zvavo.

Muhurukuro neKwayedza, vaimbi ava vanoti kuburikidza nedenda reCovid-19, vakabatanidzwa zvekare uye vari kushanda vose vachiita mabasa akasiyana kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo uye nenhengo dzezvikwata zvavo zvavanotungamira.

“Takashanda tose kubva kare ndokuzoparadzana tave kunotanga zvikwata zvedu. Asi iye zvino tabatana zvekare uye tiri kushanda tose mukurwisa Covid-19. Mhuri dzedu dzinoda kudya, magitare haasi kutenderwa kuridzwa saka tave kutoshanda mamwe mabasa kuti tiraramise mhuri,” anodaro Mandiki.

Achitaurawo, Matewu anoti vamwe vaimbi ngavasangogarira maoko vachichema neCovid-19 vachiti yakanganisa upenyu hwavo, asi kuti vatochangamuka kushandisa maoko avo mukutsvaga mari yekuraramisa mhuri dzavo pamwe chete nezvikwata zvavo.

“Ngatisangochema tichiti Covid-19 yatikanganisa, takapihwa maoko naMwari saka ngatigone kuashandisa tiraramise mhuri dzedu.

“Hongu, Covid-19 iriko uye yavhiringidza zvakawanda, asiwo kungogara uchichema hakuunze chikafu mumba. Mhuri dzinoda kushandirwa saka ngatidzishandire.

“Isu sevaimbi, tiri kutofanirwa kuchangamuka toshanda nesimba kuita mabasa anounza pundutso nekuti magitare aitiraramisa akambomiswa nekuda kweCovid-19,” anodaro Matewu.

Pari zvino Matewu, uyo anobva kwaRusape, ari mushishi kubika dambarefu rake rekutanga rinonzi “Vavingei” iro anotarisira kuparura munguva pfupi inotevera.

Kuchiti Mandiki, uyo vazhinji vanomuziva nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Kereke yapinda matsotsi” na”Mwari huyayi vanhu vaye vatanga” ari pakati pekubika dambarefu rake rechina rinonzi “Mubvunzo kuvakuru veChurch” iro anoti achariparurira padandemutande sezvo panguva ino mashoo asiri kutenderwa.

“Sezvo tisiri kutenderwa kuita mashoo nekuda kwedenda reCovid-19, tose takabatana tichipakura madambarefu padandamutande vatsigiri vagoritsvaga ipapo. Dandemutande ndiyo nzira iye zvino yekushandisa kutengesa mhanzi uye tiri kuzviona kune dzimwe nyika zvichishanda, saka nesuwo tinoda kuti zviite muno,” akadaro Mandiki.

Share This:

Sponsored Links