Uncategorized

Regai kutyora mitemo: ZRP

23 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Regai kutyora  mitemo: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira veruzhinji kuti vakoshese kutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 panguva yezororo reKirisimasi nereGoredzva uye vose vachawanikwa vachityora mitemo iyi vachasungwa.

Mashoko aya ataurwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, zvichitevera kuwanda kwevanhu vanonzi vari kushaya hanya nekutevedzera matanho akatarwa ekudzivirira denda iri.

“Nguva ino yezororo, vanhu ngavarege kurivara vokanganwa kuti tiri munguva yekurwisa denda reCovid-19. Pane mitemo yakadzikwa neHurumende nechinangwa chekuedza kudzikisa kubatwa kwevanhu nechirwere ichi. Saka ngatitevedzei zvose zvinodiwa nekuti tikasadaro isu mapurisa tinokusungai mozoguma muchiti mavara azare ivhu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanopa muenzaniso wevanhu vari kupinda munyika kubva kunze nenzira dzechitsotsi vachitya mitemo yakadzikwa yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Mitemo iyi inosanganisira kuti munhu anobva kunze kwenyika anombogariswa kunzvimbo yake oga achiongororwa Covid-19 uye achizvibhadharira zvakare panzvimbo yaanenge achigara.

“Tine vanhu vari kuyambuka miganhu zviri kunze kwemitemo, vanopoyerera nemusango vachiyambuka nzizi nedzimwe nzvimbo dzine mhuka dzesango vachiisa upenyu hwavo parumananzombe.

“Vanhu ivava vanogona kubirwa nematsotsi, kubatwa chibharo kana kupondwa uye kudyiwawo nemhuka dzesango.

“Saka tinokurudzira vanhu kuti vashandise nzvimbo chaidzo dzekuyambuka nadzo koitwa zvose zvinodiwa uye kana vachinzi vanoendeswa kumaquarantine centres kwenguva inodiwa, voita saizvozvo. Tine dzimwe nzvimbo dzichine zvimbambaira zvakasarira mumakore ehondo zvinogona kuvakuvadza zvakare,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti vanhu vanodarika 581 vakasungwa vachida kupinda munyika muno nenzira dzechitsotsi kumiganhu yakasiyana yeZimbabwe.

“Mukupera kwesvondo radarika, takasunga vanhu vanokwana 581 pasi pechirongwa chekupedza mhosva kumiganhu yenyika chinonzi ‘Mhosva Ngadzipere Kumiganhu Yenyika’ icho chatakatanga kumavambo egore rino ra2021. Mapurisa nemauto vari kushanda pamwe chete kusunga nhubu idzi.

“Vakawanda vevanhu ava vakasungwa kuBeitbridge kumuganhu wenyika ino neSouth Africa uko kune vanhu vazhinji vari kudzoka kumusha kuzororo kuzoona mhuri uye vamwe vakasungwa kuChirundu nekuNyamapanda.”

Asst Comm Nyathi vanoenderera mberi vachiti, “Chokwadi chiripo ndechekuti vanhu ngavazive kuti tasimbaradza kuchengetedzwa kwemiganhu iyi, vanosungwa vasazochema vavharirwa votambira zororo vari mutirongo.

“Tinoyambirawo vemakombi nemotokari dzemushikashika kuti imhosva kutakura vanhu vasina kupihwa mvumo sezvo zvichipa mukana wekuparadzirwa kwedenda iri muruzhinji.

“Vanhu kwirai mabhazi anobvumidzwa kutakura veruzhinji kwete mushikamishika umo vanhu vanombandidzirwa kuitwa kunge masaga. Izvi zvinopa mikana mikuru yekuparadzira denda iri uyewo nekubirwa kana kuita tsaona nekuti motokari idzi dzinotakura vanhu vakawandisa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>