Regai kuvarairwa, tichiri mulockdown

22 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Regai kuvarairwa, tichiri mulockdown

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 uye izvi zviri kunyanya kukonzerwa nekushaya hanya kweveruzhinji avo vasiri kutevedza matanho aripo ekurwisa denda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti nyika ichiri pasi pechirongwa cheLevel 4 National Lockdown.

“Hurumende inoshushikana zvikuru nekuona kuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pasvondo kubva pa8 013 pakupera kwesvondo ra13 Chikunguru 2021 kuenda pa21 346 pakupera kwevhiki ra20 Chikunguru 2021.

“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi kuri kukonzerwa nekusatevedzerwa kwematanho akatarwa ekudzivirira kupararira kweCovid-19 munharaunda nekumabasa. Nyika ichiri pasi pechirongwa cheLevel 4 Lockdown,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vangwarire zvikuru, vatevedzere nemazvo mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi uye kuti vasafambe-fambe zvisina tsarukano.

“Pamusoro pezvo, veruzhinji vanokurudzirwa zvakare kuti vatore mukana wekuvepo kwemajekiseni ekudzivirira Covid-19 nekunobaiwa.”

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 88 415 vange vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 58 155 vakatopona asi vamwe 2 747 vakafa.

Chikamu chevanhu vari kupona kuCovid-19 munyika muno chiri pa64 percent uye nyaya zhinji dzevari kuwanikwa vaine chirwere ichi ndedzemunharaunda.

Covid-19 ichitanga kuonekwa muno, vakawanda vevanhu vaiwanikwa vaine chirwere ichi vainge vabva nacho kunze kweZimbabwe.

Sen Mutsvangwa vanoti zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri, Cabinet yaita zvisungo zvakasiyana zvinosanganisira kuti mumabasa vanhu vasawandise.

Hurumende yakatopa mucherechedzo nekudzikisa huwandu hwevashandi vayo zvakare nechikamu che25 mushure mekumbodzikisa huwandu uhwu nguva pfupi yadarika.

Vashandi vose veHurumende vari kukurudzirwa kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.
Matare edzimhosva achavhurwa chete kuti anzwe nyaya dzechimbi-chimbi uye kune vasungwa vari kupinda mudare kekutanga.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende inotenda zvikuru makambani ari kubatsira nezvinhu zvinosanganisira mari yekutenga majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Share This:

Sponsored Links