Regai kuvarairwa – WHO

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Regai kuvarairwa – WHO Dr Tedros Ghebreyesus

Kwayedza

Munyori weKwayedza

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO) rinokurudzira kuti vanhu vasavarairwe ndokuyambira pamusoro pekupararira kwechirwere cheCovid-19 panguva iyo nyika dzava kurerutsa zvirongwa zvekumisa kutapuriranwa kwechirwere ichi (lockdown).

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weMuvhuro, director-general veWHO, Dr Tedros Ghebreyesus vanoti Covid-19 iri kupararira nekukasika zvisinei nematanho ari kutorwa ekudzivirira chirwere ichi.

Vanoti dzimwe nyika dziri kutanga kuita nyaya dzakawanda dzevanhu vari kubatwa neCovid-19 panguva iyo vanhu vari kutenderwa kuchitanga kufamba-famba vachienda kumabasa nekuita zvimwe zvakasiyana.

“Dzimwe nyika pari zvino dzave kuita nyaya dzakawanda dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi apo dzatanga kuvhura zvakare upfumi hwadzo uye nekuti vanhu vafambe munharaunda,” vanodaro.

Dr Ghebreyesus vanoti zvisinei nekuti munhu wose ari kutarisira kuti aenderere mberi nenzira yemararamiro ake, Covid-19 ichiriko uye izvi zvinoonekwa nekupararira kwakanyanya kuri kuita chirwere ichi pasi rose.

WHO inoti kunyangwe zvazvo ichitenda kuti jekiseni rekudzivirira chirwere ichi ndiyo nzira bedzi yekuchipedza, nyika dzose dzinofanirwa kutora matanho ekuona kuti utano hweveruzhinji hwakachengetedzeka kuburikidza nekusaita chitsokotsoko pamwe chete nekukoshesa hutsanana.

Chief Co-ordinator of the National Response to Covid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, Dr Agnes Mahomva vanoti kunyangwe zvazvo vanhu vari kubatwa nechirwere ichi vachiri vashoma, veruzhinji havafanirwe kuvarairwa.

Vanoti zvisinei, vanhu havafanirwe kuvhunduka asi kuti vatevedze matanho ose ari kutorwa neHurumende mukumisa kupararira kweCovid-19.

Remember to wash your hands regularly and practice social distancing to help curb the spread of Covid 19. This email is confidential and may be legally privileged. It is for the intended recipient only. If you have received it in error, please immediately notify the sender and then delete it. Please do not copy it, disclose its contents or use it for any purpose whatsoever. Zimbabwe Newspapers (1980) Ltd and its subsidiaries do not accept any liability whatsoever for the contents of any e-mail. Please think environment before printing emails

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>