Uncategorized

‘Reurura upone, reurura . . .’Mukadzi ane mimba akafa nekurohwa kumasowe

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
‘Reurura upone, reurura . . .’Mukadzi ane mimba akafa  nekurohwa kumasowe Mamwe emadzimai aive paChitsiidzo akamirira nguva yavo yekuti vasunungutswe pamiviri

Kwayedza

Mamwe emadzimai aive paChitsiidzo akamirira nguva yavo yekuti vasunungutswe pamiviri

Mamwe emadzimai aive paChitsiidzo akamirira nguva yavo yekuti vasunungutswe pamiviri

PANE mukadzi ainge akazvitakura ari kufungirwa kuti akafa nekurohwa kumasowe kwaSeke apo aipomerwa kunzi airamba kureurura hupombwe panguva yaaida kusununguka.

Kutambura panguva yekusununguka kunonzi ndiko kwakaparira mukadzi uyu, uyo anonzi akazofa nekurohwa pamasowe apo aipomerwa nevaifanirwa kumubatsira kuramba kureurura, vachiti hupombwe ndihwo hwaimutadzisa kubatsirwa zvakanaka.

Mapurisa eko ari kutoferefeta nyaya yakaitika pamasowe echechi yeJohane Marange iyi.

Tsekwende iyi inonzi yakaitika mumwedzi waGunyana 2015 pamasowe ari mubhuku raRubatika, kuDema, nyaya iyi ndokuzobuda mukadzi uyu atovigwa kare apo vabereki vake vakamhan’ara kumapurisa.

Vabereki ava, avo vakange vasina ruzivo pamusoro pefiro yemwanasikana wavo panguva yazvakaitika, vakazomhan’ara nyaya iyi mushure mekunge vanzwa runyerekupe rwekuti akafa achirohwa paChitsidzo.

Chitsidzo inzvimbo inosunungukira vakadzi veJohane Masowe pamasowe sezvo vasingaende kuchipatara.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira kuti mapurisa vari kuferefeta nyaya iyi.

“Semapurisa, tine nyaya yatiri kufeya kwaSeke, yemudzimai aiva akazvitakura, Faith Mwogeni. Mashoko atiinawo anoti mukadzi uyu akafira pamasowe pamusha waMukosera, kwaSabhuku Rubatika, apo akanga aenda kunosunungutswa nanambuya nyamukuta. Anofungirwa kuti akarohwa achinzi adure kana kureurura hupombwe,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanoti mukadzi uyu afira pamasowe apa, mutumbi wake wakazotakurwa kuendeswa kumusha kwaMambo Neuso, kwaHozheri kuSanyati, uko wakanovigwa.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kwatiri nababa vemufi, Sign Mwogeni (42), vekuSanyati. Nekufeya kwatiri kuita nyaya iyi, kune magwaro ari kugadzirwa achazoita kuti mufi uyu afukunurwe kuti mutumbi wacho uongororwe kuti mudzimai uyu akafa nei,” vanodaro mapurisa.

Faith ange ari mudzimai waAbel Kamupira (25), uyo anopindawo chechi yeJohane Marange achigara panhamba 2472 mugwagwa waMaminimini, kuSt Mary’s, kuChitungwiza.

Insp Muzondo vanoti apo pamuviri pemukadzi uyu painge pakwana, semutemo wechechi yavo, akaendeswa kuChitsidzo kwambuya nyamukuta vanonzi Miriam Mukosera (59) uko akanogara achimirira kusununguka. Uku kunonzi kwaiva nemamwe madzimai ainge akazvitakura uye Faith anofungidzirwa kuti akarohwa kuti areurure hupombwe hwaaipomerwa apo akanetseka pakubara.

Hazvisati zvanyatsobuda pachena kuti chaivo vakarova mukadzi uyu ndivana ani, izvo zviri kuferefetwa nemadhikitivha emapurisa.

Pane zvitendero zvinoti kana mukadzi akaita hupombwe asati ava nepamuviri kana kuti ava napo, anofanirwa kureurura uye akasaita izvi kusununguka kwake kunonetsa.

Vanotenda mazviri vanoti kana mukadzi akangoreurura bedzi, kana ange achitambura kubara, anobva atosununguka ipapo, zviri nyore.

Insp Muzondo vanoenderera mberi vachiti: “Tichitaura kudai, takatovhura dhoketi rekufeya nyaya iyi uye pane fungidziro yekuti mudzimai uyu akapondwa. Vose vanofungirwa munyaya iyi vakatotorwa nemapurisa uye kuferefetwa kwenyaya kuri kufambira mberi. Kana tangowana umboo huzere semapurisa, tichanyorera kuti mutumbi uyu ufukunurwe.”

Baba vemushakabvu, VaMwogeni, vakataurwa navo neKwayedza panhare vari kumusha kwavo vakati mwana wavo akafa zvisinganzwisisike.

“Faith akafa achiita zvekurohwa paChitsidzo kumasowe. Akafona kuno kuna amai vake, Emillia Mumba.

“Aitaura kuti airohwa nananyamukuta achinzi areurure hupombwe vachimuti sei mwana airamba kubuda izvo kuchechi iyi vanoti zvinoratidza kuti mukadzi akahura.

“Aiti amai huyai, ndiri kurohwa kuno. Kubva ipapo, takazofona tikanzi mwana akanga asisakwanise kutaura ndokuzonzwa kuti afa,” vanodaro VaMwogeni.

“Chechi iyi ndaiipinda, ndinoziva tsika yekurohwa kwevakadzi vakatadza kusununguka zvakanaka iyi. Vanongonzi vakaita chipfambi.

“Nyaya yave kunetsa ndeyekuti ndiri kuvhundutsirwa kuti ndikanzurise nyaya iyi kumapurisa ndichinzi vanhu vakaenda kujeri neni ndatovawo guva. Mufunge kuti mwana wangu akafa akaita mazuva matatu vari mumugwagwa vakazosvika kuno kuSanyati chitunha chawora,” vanodaro baba vemufi.

Svondo rapera, Kwayedza yakasvikirana nemapurisa pamasowe panonzi ndipo pakaponderwa mudzimai uyu ikanotaura nambuya nyamukuta, Mbuya Mukosera, avo vanonzi mumwe wevaibatsira Faith.

“Mudzimai uyu akauya nemurume wake pano achida kubatsirwa ndikamusunungutsa ndichibatsirwa naMbuya Agnes Chikavhairo apo akaita mwana mukomana zvakanaka. Zvekuti akarohwa kuti adure kuti akapomba handizvizive. Dambudziko raakaita nderekuti akazotanga kurwadziwa neguvhu mushure memazuva matatu achibva afira pano,” vanodaro Mbuya Mukosera.

Vanoti mukadzi uyu afa, vakazoridzira nhare kuna tezvara vake, VaAmos Scotch Kamupira, avo vakazosvika ndokuita muonera pamwe.

Mbuya Mukosera, vachitaura pamberi pemapurisa, vanoti rufu urwu haruna kumhan’arwa kumapurisa sezvinosungirwa kuitwa pamurawo.

Vanoti baba vemushakabvu vakazoridzirwa nhare vachiziviswa nezverufu apo vanonzi vakatanga kuda kunzwisisa firo yemwana wavo pakazobuda mashoko ekuti akapondwa.

“Hongu, pano sanambuya nyamukuta, kana mudzimai akapomba mwana anonetsa kubuda. Mukadzi anokwira kudenga saka isu tinonyengetedza kuti adure kuti azosununguka zvakanaka,” vanodaro Mbuya Mukosera.

Pakashanyirwa paChitsidzo apa, Mbuya Miriam Besa (58), vakawanikwawo varipo nemamwe madzimai 43 vaiva vakamirira kusunungutswa.

Mukati memadzimai aya maiva nevanasikana vechidiki vainzi vangangoita makore ari oakati pe14 kusvika 16 ekuzvarwa uye mapurisa vakayambira pamusoro petsika yekuroodza vanasikana vachiri ndumurwa.

Zvakadai, Mbuya Mukosera vanoti vakatanga kusunungutsa madzimai mugore ra2000.

Abel, murume waFaith, anorambisisa nyaya yekuti mudzimai wake akafa nekurohwa kumasowe nekuda kwehupombwe.

Anoti: “Nyaya iyi yakagadzirwa natezvara vangu benzi, nekuda kuripwa. NaFaith Chindamba Mwogeni takaroorana makore mana adarika. Akaita pamuviri pechipiri akaenda kuChitsidzo kunosununguka, akabereka mwana mukomana anova mupenyu izvozvi.

“Akazongorwara mushure memazuva maviri akafa pasina kurohwa.

‘‘Tezvara benzi ava ndipo pavakatanga kuda kuramwa chitunha apo takachitakura kuenda kuSanyati uko takanoripiswa mombe mbiri uye mari yaidarika $1 000.”

VaAmos Kamupira, avo vanova baba vaAbel uye tezvara kuna Faith, vakarambawo nyaya yekuti muroora wavo akafa nekurohwa.

“Ini handidi kuti nyaya iyi ibude munhau, ndinokusungisai! Ehe, mukadzi uyu akafa abva kusununguka. Tezvara benzi ava vakatanga kuramwa chitunha chemwana wavo.

“Takavaripa mombe mbiri nemari inodarika chiuru, vakapotsa vatitema nematemo kumusha kwavo kuSanyati parufu.

‘‘Iyi haisi nyaya yekunyora, kunze kwenyu imi veKwayedza maGrade 1, madofo.

“Zivai kuti muri kudhira nebenzi panyaya iyi, vakatiti tidye chitunha chemwana wavo,” vakadaro baba vaAbel.

Vanoti vakaroora zvakakwana muroora wavo asati afa.

VaKamupira vanotizve nhumbi dzemuroora wavo dzisati dzagovewa, vakatanga varipiswa $200 neimwewo mari yakawanda pamusoro yose ikadarika $1 000.

Zvakadai, vanotaura vanoti mushakabvu Faith abhebha kumuka chipoko kuSanyati uko akavigirwa asi izvi hazvina kutsinhirwa nababa vake.

Share This:

Sponsored Links