Murimi oti asimudzwa nePfumvudza

03 Apr, 2024 - 08:04 0 Views
Murimi oti asimudzwa nePfumvudza VaEdward Nyamadzawo vachidiridza makabhichi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wekuWard 15, kudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro-Mubayira, ari kusimukira nechirongwa chePfumvudza nekuita madiridziro muminda yake.

VaEdward Nyamadzawo (43) vemubhuku raClaudious Mandaza vanoti munda wavanorima wakakura hekita imwe chete umo vanorima gore rose.

“Ndinotenda Hurumende kuburikidza naMambo Nyamweda vakaita kuti ndiwane munda uno ndichibva ndangoukomberedza newaya ndokuchera chibhorani ndikaisa matangi maviri emvura uyewo mvura inodhonzwa nesimba rezuva. Ndinorima mbeu dzinobatanidza butternuts, chibage, muriwo wemhando yakasiyana kusanganisa makabichi, derere, madomasi, michero nezvimwe,” vanodaro VaNyamadzawo.

Murimi uyu anoti ane vashandi vatanhatu vanomubatsira mabasa akasiyana.

“Vashandi vangu vandakabaira zvitupa vatanhatu kunyangwe paine vamwe vanouya vachibatsira. Muminda yangu ndakaisa drip irrigation anova madiridziro asingapedze mvura. Mabutternuts ava kubereka, chimwe chibage chavhurura uye makabichi ava padyo nekutengeswa.

“Ndine chimwe chibage chidiki chava kusvika mumabvi. Nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze, ndakaona kuita madiridziro chete kuchibatsira mukurima pasina kukanganisika. Zvirimwa zvangu ndinotengesa zvinyoro uyewo chibage chemuchirimo chinobhadhara kudarika chemuzhizha nekuti chinenge chiri chishoma,” vanodaro.

Munda wemabutternuts

VaNyamadzawo vanoti vane hurongwa hwekuti vacherese chimwe chibhorani kuti mvura igokwanirana mumabasa avo.

“Zvose zvandinoshandisa pakurima kwangu zvinobva kuHurumende muchirongwa chePfumvudza kubvira kumbeu yacho, feteraiza, mishonga nezvimwe. Saka tinotenda mutungamiri wenyika nechirongwa chePfumvudza icho chatisimudza.”

VaNyamadazawo vanokurudzira vechidiki kusiyana nekutora zvinodhaka zvakaita semutoriro nezvimwe, vopinda mubasa rekurima vachiwana zvekuita.

Dzimwe mombe dzemukaka. – Mifananidzo naKingstone Mapupu.

“Ngatishandisei ivhu ndiyo nhaka yedu yatakasiirwa nemadzitateguru edu. Vechidiki vapera nemutoriro ngavauye kuminda tirime, izvozvi ndine mombe dzemukaka shanu. Mubasa rangu ndinoshandisa zita rekuti Nyamaz Irrigation Scheme and Dairy rinova raenda kure.

“Ndakatanga nemombe imwe chete ndichibva ndapihwa imwe pachena pachirongwa chaivapo panguva iyoyo chaiitwa neveEuropean Union (EU) uye ndinochengetawo hwai nembudzi,” vanodaro.

Pane zvimwe zvipfuyo zvidiki zvepamusha, vanopfuyawo huku, tsuro nematoki.

“Kunyangwe ndichirima nePfumvudza nekuchera makomba, pane mimwe minda mitsva inoda kurimwa netarakita nekudaro ndine chishuwo chekuwanawo tirakita nezvikwereti uyewo motokari rori yekutakura zvirimwa zvangu kuendesa kumisika,” vanodaro VaNyamadzawo.

Share This:

Sponsored Links