Uncategorized

Roja rorumiswa nehuku: ‘Ndiko kuti abhadhare mari yemvura’

17 Dec, 2020 - 12:12 0 Views
Roja rorumiswa nehuku: ‘Ndiko kuti abhadhare mari yemvura’ Mai Rufaro Hunzvi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anoroja paimwe imba iri mumusha weMufakose, muguta reHarare, anoti akabviswa chiri kumeso nejongwe rehuku repamba apa iro rakamuruma zvekumusiya ava nemaronda uye obuda ropa mushure mekunge raita zvekusaidzirwa kwaari nababa vepo.

Izvi zvinotevera kukundikana kwake kubhadhara mari yemvura yaidiwa nevaridzi vemba.

Varidzi vemba vanotsinhira nyaya iyi vachiti muroja uyu haagarikike naye, ari kuvapumha huroyi uyewo vanoti jongwe iri vanorida zvakanyanya zvekusvika pakuti rakangofanana nemwana wavo.

Mai Rufaro Hunzvi (28) vanogara panhamba 6 Muzhanje, pavakasvikirwa neKwayedza nemusi weMuvhuro uno vaiyerera ropa mumakumbo avo uye vakazvisunga paibvi vachiti vainge varumwa zvekurumwa zviya nejongwe iri.

Mai Rufaro Hunzvi vachitaridza maronda ekurumwa nejongwe

“Ndasvitsa mwedzi mitanhatu ndichiroja pano. Nhasi (Muvhuro) ndafuma ndichiwacha magumbeze apo baba vepano vauya kwandiri vachinditi handisi kuterera mitemo yavo. Vange vachinditi ndiri kuramba kubhadhara mari yemvura US$7. 

“Vazoenda kuzumbu ravo ndokunovhurira jongwe rehuku vachishevedzera kuti, ‘jongwe, huya uudze mukadzi uyu kuti andipe mari yangu izvozvi, handingafe nenzara iwe uripo’,” vanodaro Mai Hunzvi. 

Mudzimai uyu anoti paitaurirwa jongwe iri mashoko aya, iro rairova-rova mapapiro richikukuridza. 

Mai Hunzvi vanoti jongwe iri rakabva rabhururuka zvine simba richivajobora-jobora muviri wavo wose kusanganisira mumakumbo, maoko nekumeso kusvikira vapunzikira pasi.

“Ndakaridza mhere jongwe iri richisaidzirwa kwandiri nababa ava uye vachirikuza nechirudzi chechiNyanja. Makumbo angu nemaoko ave kuzvimba nekuda kwekurumwa uku zvekare ndiri kunzwa muviri wangu wose seunonyeredza,” vanodaro Mai Hunzvi. 

Sekuru Benesi Aiti

Vanoti jongwe iri — iro rinongova ndiro huku yoga pamba apa — rakazoregera kuvaruma mushure mekunge baba vepo variudza kuti richimira kuvajobora. 

“Mandanyanya kurumwa mutsapfu, mumipimbiri, zvigunwe nemaoko. Ndazoenda kumapurisa eZRP Marimba uko ndanomhan’ara nyaya iyi sezvo vamwe vachiti ndinofanirwa kuzoenda kuchipatara kana kukiriniki kunorapwa maronda.”

Mai Hunzvi vanoti panguva yavairumwa nejongwe iri, vakashevedzera mudzimai wemuridzi wemba kuti avanunure.

“Ndadzoka kumapurisa, ndakazoenda kumumwe muporofita akandiudzawo zvaanoona pajongwe iri,” vanodaro.

Mai Hunzvi vanoti muporofita uyu akavati vabve pamba apa.

“Ndave kutyira vana vangu kuti vanosara vakarumwa nejongwe iri kana ini ndisipo,” vanodaro Mai Hunzvi. 

Sekuru Benesi Aiti (88) — avo vanobva kuMulanje, kuMalawi uye vanove muridzi wepamba apa — vanotsinhira kuti mudzimai uyu akarumwa zvekurumwa zviya nejongwe ravo vachiti akanga aridenha. 

“Kuseni ndavhura jongwe rangu ndichida kuripa chikafu apo mukadzi uyu anga achiwacha. Ndamubvunza mari yemvura sezvo asvitsa mwedzi miviri asina kubhadhara, ndipo iye azotema jongwe iri nedombo apo ranga richinditevera richibva ratanga kumurwisa. Akuvara zvechokwadi,” vanodaro Sekuru Aiti. 

Mhomho yevanhu ichida kuona jongwe raive raruma munhu.

Vanombotsenga-tsenga mukanwa vachiramba kuti vakasaidzira Mai Hunzvi jongwe iri sezvinoitwa imbwa, asi ndokuzobvuma pave paye.

“Mudzimai uyu kwose kwaanobva anouraya vanhu, anoda kutiuraya ini nemukadzi wangu. Anoti zvakare mudzimai wangu muroyi pano, achiti mudzimai wangu ibenzi. Ngaabve handichamuda anoti tiri varoyi tose,” vanodaro Sekuru Aiti. 

Vakazovhurira jongwe ravo muchurugwi vatori venhau varipo vachirishevedza richivatevera. 

“Huya kuno jongwe, hona vatori venhau veHurumende ava vauya. Taura navo. Kukuridza izvozvi taura navo usambotya tinogona kusungiswa,” vanodaro Sekuru Aiti. 

Ipapo jongwe iri rakatanga kurova-rova mapapiro richikukuridza rakamira pakati pevanhu pasina kutya. 

 

Sekuru Benesi Aiti vachitaura nejongwe ravo.

Sekuru Aiti vanoti huku iyi yasara ichingova yoga sezvo dzimwe vakapedza kudzidya. 

“Jongwe iri rinongova roga pano sezvo dzimwe ndakadya. Handigone kuriuraya nekuti ndinorida uye anenge arumwa ndiye anobva pano, kwete kuti ndiuraye huku yangu iyo yakangofanana nemwana kwandiri,” vanodaro Sekuru Aiti. 

Zvichakadai, imwe n’anga yekuChitungwiza — Letwin Manguwo (28) kana kuti Mbuya Mamoyo — vanoti iyi haisi huku. 

Mbuya Mamoyo

“Vanhu vanoona sejongwe asi handizvo. Chokwadi chiripo amai ava ngavabve pamba apa,” vanodaro Mbuya Mamoyo. 

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Endby VaLuxon Kapita (21) vesowe reCanaan vachiti iyi haisi huku.

Munguva pfupi yadarika, mumwe mudzimai wekwaMambo Zimunya, kwaMutare akarumwa nejongwe rehuku gumbo rake rikazvimba kusvikira atofa inova nyaya iri kudare ramambo vekudunhu iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>