Ronaldo anwisa kechi50

17 Dec, 2023 - 15:12 0 Views
Ronaldo anwisa kechi50 Cristiano Ronaldo

Kwayedza

Cristiano Ronaldo akanwisa chibodzwa chechi50 chegore rino apo akabatsira chikwata chake cheAl-Nassr kusvika kumasemi final yeSaudi King Cup nekukunda Al-Shabab 5-2.

Mutambi weAl-Nassr’s uyu akanwisa kechi26 mumwaka uri kutambwa uyu apo vakazvambaradza chikwata chepamba (Al-Shabab), mumutambo uyo Sadio Mane akanwisawo kekutanga kubva munaGunyana.

Ronaldo akagamuchira bhora ari mubhokisi meAl Shabab mutambo watambwa maminitsi 74 ndokurova mvema iyo mubati wepagedhi weAl-Shabab akatadza kuona kuti yafamba sei. Kuhwina kwavakaita kwakasiya Al-Nassr ine tariro yekutora mukombe uyu, uyo wavakapedzisira kusimudza gore ra1990.

Al-Nassr chimwe chezvikwata zviri kutarisirwa kuti zvinogona kusimudza mukombe uyu pamwe chete nechikwata chaNeymar cheAl-Hilal uye kana vakatora mukombe uyu unenge uri waRonaldo wechipiri kubva aenda kuAl-Nassr.

Vaimbove vatambi vemuPremier League Ronaldo, Mane, naAymeric Laporte vese vakatanga mutambo uyu vachitambira Al-Nassr. — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>