Kwayedza
Cristiano Ronaldo akanwisa chibodzwa chechi50 chegore rino apo akabatsira chikwata chake cheAl-Nassr kusvika kumasemi final yeSaudi King Cup nekukunda Al-Shabab 5-2.
Mutambi weAl-Nassr’s uyu akanwisa kechi26 mumwaka uri kutambwa uyu apo vakazvambaradza chikwata chepamba (Al-Shabab), mumutambo uyo Sadio Mane akanwisawo kekutanga kubva munaGunyana.
Ronaldo akagamuchira bhora ari mubhokisi meAl Shabab mutambo watambwa maminitsi 74 ndokurova mvema iyo mubati wepagedhi weAl-Shabab akatadza kuona kuti yafamba sei. Kuhwina kwavakaita kwakasiya Al-Nassr ine tariro yekutora mukombe uyu, uyo wavakapedzisira kusimudza gore ra1990.
Al-Nassr chimwe chezvikwata zviri kutarisirwa kuti zvinogona kusimudza mukombe uyu pamwe chete nechikwata chaNeymar cheAl-Hilal uye kana vakatora mukombe uyu unenge uri waRonaldo wechipiri kubva aenda kuAl-Nassr.
Vaimbove vatambi vemuPremier League Ronaldo, Mane, naAymeric Laporte vese vakatanga mutambo uyu vachitambira Al-Nassr. — SportsMail Football