Uncategorized

‘Rufu huya unditore’

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Rufu huya unditore’

Kwayedza

 ‘Vana vadiki vari kufa ini ndichisara’

Freedom Mupanedemo

MUSHARUKWA ane makore 114 ekuberekwa wekuMberengwa, kuMidlands, ari kuti aneta nekurarama zvekuti dai zvaibvira rufu rwamurangaririrawo nekumutora zvake kuti azorore.Sekuru Thampson Mthombeni, avo vanobva mudunhu rekwaNjobo uye vave bofu, vanoti vatambura nekugara panzvimbo imwe chete nekuda kwekusaona zvekuti havachina shungu neupenyu.

Muhurukuro neKwayedza, Sekuru Mthombeni vanoti havaone chikonzero chekuti varambe vachirarama.

“Ndinonzwa kurwadziwa chaizvo kana ndichimuka zuva rimwe nerimwe, ndichinzwa kuti vana vadiki vari kufa ini ndichisara.

“Ndinongonzwa nguva nenguva mumamana medu muno zvichinzi kwangana kwaita rufu, kune mwana mudiki wafa. Ndobva ndazvibvunza kuti ah, ko ivo Mwari vanombozvironga sei zvinhu zvavo, kuti isu vatana tinosara vana vadiki vachifa?

“Asi dzimwe nguva ndozoti ah, regai nditende Mwari nekundichengeta kusvika makore awanda kudai,” vanodaro Sekuru Mthombeni vachiedza kugara zvakanaka pachigaro.

Vanoti havafungi kuti rufu rwuchavatora munguva pfupi inotevera nekuti vari kunzwa kuti vachiri vatano uye kubva pavakaberekwa mugore ra1902 havasati vamborwara zvekupinda muchipatara.

Musharukwa uyu anoti anorangarira chete achishanyira chipatara cheMatibi Mission, chiri kuMasvingo, makore matatu apfuura apo akatanga kunetseka nemaziso ake.

“Kuchipatara vakasvikondiudza kuti handichaona uye maziso angu haachagadzirika. Kubva ipapo, ndangogara panzvimbo imwe chete, handichina zvekuita.”

Vanoti kubvira pavakatanga kusaona, hapana chimwe chinhu chavachakwanisa kuita kunze kwekudya, kuenda kuchimbuzi nekurara.

Sekuru Mthombeni vanoti vakaona hondo dzakawanda kubva kare-kare.

“Ndakaona hondo ya(Adolf) Hitler yekuGermany, ndakaona hondo yekuRussia, ndakaona hondo yepasi rose uye ndikazoona Chimurenga chazuro uno uyu. Hapana chandisina kuona panyika saka hapachina chokutya, chero ndikachifa zvangu,” vanodaro.

Vanoti pari zvino vari kuvachengeta vakaronga zano rekuti vapote vachienda voga kuchimbuzi panzvimbo yekuvaperekedza. Vakasungirira tambo kubva pavanoswera vakagara ichienda kuchimbuzi iyo yavanotevedza vakaibata.

“Tambo iyoyi ndiyo yandinoshandisa kuenda kuchimbuzi ndega. Inondibatsira zvakare kuenda kukicheni kunotsvaga chekudya.”

Sekuru Mthombeni vanoti nekuda kwenzara yarura kuMberengwa, mamwe mazuva vanoswera nenzara vakangogara.

Vanoti muchengeti wavo, VaSamson Ngwenyama, vanoedza nepavanogona kuvatsvagira zvekudya asi dzimwe nguva zvinhu zvinenge zvakaoma.

“Ndinovonga vachengeti vangu vanoedza nepavanogona napo kuti tiwane chekudya. Zvakaoma asi hatizoita mazuva maviri tisina chatadya,” vanodaro musharukwa ava.

Share This:

Sponsored Links