Uncategorized

Runyoka: muti werudo

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Runyoka: muti werudo

Kwayedza

l ‘Unobatsira vari muwanano’
l ‘Murume anotiza small-house’

KUNE n’anga mbiri dziri kuzviti ishasha pakupa vanhu mishonga yerunyoka kana kuti rukawo uye vanoti hapana chakaipa kuti veruzhinji vashandise miti iyi mukuchengetedza vadikani vavo.VaLovemore Mutirwara (45) vemubhuku raMunyaviri, kwaMambo Kasekete, kuMuzarabani, vanoti kushandisa mushonga uyu inzira yekuchengetedza wanano.

Sekuru Lovemore Mutirwara

Sekuru Lovemore Mutirwara

Vanotsigirwa naMbuya Efrida Meja vekuMufakose, muHarare, avowo vanoti runyoka muti unosimbisa rudo pakati pevakaroorana.

Vose vaviri avo inhengo dzeZinatha.

VaMutirwara vanoti wanano inofanirwa kuchengetedzwa saka zvakakosha “kusosa mudikani wako”.

“Ndinorapa hangu zvimwe zvirwere sachiremba wechivanhu. Asi basa rangu guru nderekuisa runyoka kumadzimai akaroorwa nekuvarume vacho. Ndokunge kana paine fungidziro yekuti pane ari kuita gumbo mumba, gumbo kunze.

“Hapana chakaipa kana munhu achiisa waya yekuchengetedza mombe dzake padanga kana kuisa juraworo pabhizimisi kana musha,” vanodaro VaMutirwara.

Vanoenderera mberi vachiti: “Sezvinoita machiremba akadzidzira basa kuti mumwe anorapa mabhonzo, mumwe vana vadiki, mumwe maziso nezvakasiyana, ini ndinogonawo zvimwe zvakaita semamhepo.

“Chokwadi mukanditi kuisa runyoka handinyare, ndipo pane shavi rangu. Ndinochengetedza dzimba nemisha yevakaroorana kuitira kuti pasawane anopoya.”

Vanotizve mishonga yerunyoka yakabvira kushandiswa kubva nakare.

“Madzitateguru edu vaiva nemishonga yakadai iyo tave kushora nhasi uno. Pane patainzwa kuti sekuru vakaenda kuWainera (kuSouth Africa) kunoshanda vanambuya vachisara vari pamisha. Hazvirevi kuti kwaiva kuzvichengeta kwega, asi kuti paiva nemishonga yechivanhu yaishandiswa,” vanodaro.

Vanoti kune mhando dzerunyoka dzakasiyana kusanganisira rwekuti nhengo yesikarudzi yechidzimai haionekwe urwo rwunonzi ruware, koti rwemubobobo rwavanoti murume anoshinhwa naye anofa pakarepo. Kune runyoka rwehove rwunoita kuti anobatwa narwo anoda kugara mumvura nguva dzose nerwerwaivhi urwo rwekuti munhu anovhunura ganda kunge nyoka. “Tine mhando dzakasiyana dzerunyoka rwatinoisa kumadzimai. Pane rwebanga rwekuti vanhu vanonamatirana kusvikira muridzi wemudzimai asvika, rwekondo kana datya rwunoita kuti azvimbe dumbu. Rwemajuru munhu anarwo anobuda muchenje kana kuti majuru kozoti rwenhuta.”

VaMutirwara vanoti kunze kwaizvozvo, vanosotawo mbavha. Mbuya Meja vanotiwo inyanzvi panyaya yekupa mishonga yerukawo.

“Inyaya diki zvikuru iyo, kuti murume adzoke kumba kana akatiza. Ukauya kuno tinomugadzira achibva ikoko kusmall-house musoro umire. Vanorwa ikoko tichangopedza kugadzira,” vanodaro.

Mbuya ava vanoti vanogona kugadzirisa mbavha kuti dzidzose zvadzinenge dzaba. “Hakuna mishonga isiko kuchivanhu. Zvinongosiyana neshavi remunhu nekushandiswa kwayo,” vanodaro Mbuya Meja.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti mishonga yechivanhu inoshanda zvakasiyana uye vanokurudzira n’anga kuti dzipe vanhu miti yakanaka kwete inokuvadza kana kuuraya.

VaGeorge Kandiyero

VaGeorge Kandiyero

“Mishonga yedu ndeye kurapa asi pane pamwe pekuti munhu abirwa kana kuti aurairwa hama yake, tinoti ngavatsvage akuvadza kana kuti aba asi pakadaro pane zvinozoitikawo nekuti iyi ihondo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links