Kwayedza
Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa mumujaho wekumhanya — Elliot Mujaji — anoti kuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980 kwakaona nyanzvi dzezvemitambo yakasiyana dzichiwaniswa mikana yakakura yakadai sekuenda kunokwikwidza kumitambo mikuru yemaOlympics izvo zvaisaitika panguva yehutongi hwevachena.
Mujaji veruzhinji vanonyanya kumuziva nekusimudza mureza wenyika kwaakaita apo paakahwapura menduru dzegoridhe kumitambo ye2000 Sydney, Australia Paralympics ne2004 Athens, Greece Paralympics.
“Kuwana kuzvitonga kuzere isu vanhu vatema tinotofara nekuti kwakativhurira mikana yakawanda chaizvo nekuti kare taidzvinyirirwa tichitadziswa kuenda kunokwikwidza kumitambo mizhinji.
“Iye zvino vanhu vakawanda pasi rese vave kuziva kuti kuZimbabwe kuna Mujaji akanetsa kumaParalympics uye ndakatokwanisa kuenda kunokwikwidza kunyika dzakasiyana,” anodaro.
Kare apo nyika yaive ichiri kutongwa nevachena, anodaro Mujaji, kwaive neshasha dzaimhanya dzakaita saArtwell Mandaza avo vaifanirwa kunge vakanokwikwidza kumaOlympics asi nekuda kwehudzvanyiriri hwaiitwa nevachena vakakundikana.
“Kare taive neshasha dzakaita saArtwell Mandaza, yaive shangwiti yaimhanya zvikuru uye isu takakura tichimuyemura. Asi haana kubvira ambowaniswa mukana wekuenda kunokwikwidza kumitambo yemaOlympics nekuti vanhu vatema tainyimwa mikana yekuenda kumitambo iyi.
“Asi dai kuri kunzi Mandaza aikwikwidza panguva iyo nyika yakawana kuzvitonga kuzere ndaiziva kuti aienda kumaOlympics uye ainohwina chete nekuti tarenda raivepo rakazara,” anodaro Mujaji.
Anoti rusarura kuvanhu vatema rwaisangoitika muZimbabwe chete panguva yehutongi hwevachena asi kuti nekune vedzimwe nyika vakadai saJesse Owens wekuAmerica uyo akaita mukurumbira nekuhwapura menduru ina dzegoridhe kumitambo ye1936 Summer Olympics iyo yakaitirwa kuGermany.
Izvi zvakaona aimbove Chancellor weGermany Adolf Hitler achiramba kumukwazisa nekumupfekedza menduru dzake.
“Tikatarisa munhoroondo chaiyo kubva kare, vanhu vatema kunyangwe vekune dzimwe nyika taingotarisirwa pasi pazvinhu zvose. Munhoroondo yemaOlympics chaiyo, vanhu vaingotarisirwa pasi izvo zvaizombotuma dzimwe nyika kusatumira nhengo dzavo kumutambo uyu.
“Mugore ra1936, Adolf Hitler akaramba kukwazisa Jesse Owens wekuAmerica mushure mekunge ahwina goridhe nekuti aive munhu mutema. Saka kusarura kwakangobvira kare kuriko. Ndiko kusaka nhasi tichipembera kuwana kuzvitonga kuzere munyika yedu nekuti iye zvino hatichasangane nerusarura urwu, tave kuenda kunokwikwidza kwatinoda takasununguka,” anodaro Mujaji.
Mazuva ano Mujaji ave kuita basa rekusimudzira vechidiki vane tarenda rekumhanya mujaho kuboka rake reElite Athletics Academy kuZvishavane.
Anoti pari zvino ane vechidiki 11 avo vaari kushanda navo uye vane mukana wekusvika kure mumujaho wekumhanya mune remangwana.