Rusununguko bho: Mujaji

16 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
Rusununguko bho: Mujaji Elliot Mujaji

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumujaho wekumhanya — Elliot Mujaji — anoti kuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980 kwakaona nyanzvi dzezvemitambo yakasi­yana dzichiwaniswa mikana yakakura yaka­dai sekuenda kunokwik­widza kumitambo mikuru yemaOlympics izvo zvai­saitika panguva yehutongi hwevachena.

Mujaji veruzhinji vanonyanya kumuziva nekusimudza mureza wenyika kwaakaita apo paakahwapura menduru dzegoridhe kumitambo ye2000 Sydney, Australia Paralympics ne2004 Ath­ens, Greece Paralympics.

“Kuwana kuzvitonga kuzere isu vanhu vatema tinotofara nekuti kwaka­tivhurira mikana yaka­wanda chaizvo nekuti kare taidzvinyirirwa tichit­adziswa kuenda kunokwik­widza kumitambo mizhinji.

“Iye zvino vanhu vak­awanda pasi rese vave kuziva kuti kuZimbabwe kuna Mujaji akanetsa kumaParalympics uye ndakatokwanisa kuenda kunokwikwidza kunyika dzakasiyana,” anodaro.

Kare apo nyika yaive ichiri kutongwa nevachena, anodaro Mujaji, kwaive neshasha dzaimhanya dzakaita saArtwell Man­daza avo vaifanirwa kunge vakanokwikwidza kumaOlympics asi nekuda kwehudzvanyiriri hwaiitwa nevachena vakakundikana.

“Kare taive neshasha dzakaita saArtwell Man­daza, yaive shangwiti yaimhanya zvikuru uye isu takakura tichimuyemura. Asi haana kubvira ambowaniswa mukana wekuenda kunokwikwidza kumitambo yemaOlympics nekuti vanhu vatema tainy­imwa mikana yekuenda kumitambo iyi.

“Asi dai kuri kunzi Man­daza aikwikwidza panguva iyo nyika yakawana kuzvi­tonga kuzere ndaiziva kuti aienda kumaOlympics uye ainohwina chete nekuti tarenda raivepo rakazara,” anodaro Mujaji.

Anoti rusarura kuvanhu vatema rwaisangoitika muZimbabwe chete pan­guva yehutongi hwev­achena asi kuti nekune vedzimwe nyika vakadai saJesse Owens wekuA­merica uyo akaita muku­rumbira nekuhwapura menduru ina dzegoridhe kumitambo ye1936 Summer Olympics iyo yakaitirwa kuGermany.

Izvi zvakaona aimbove Chancellor weGermany Adolf Hitler achiramba kumukwazisa nekumup­fekedza menduru dzake.

“Tikatarisa munho­roondo chaiyo kubva kare, vanhu vatema kunyangwe vekune dzimwe nyika tain­gotarisirwa pasi pazvinhu zvose. Munhoroondo yemaOlympics chaiyo, vanhu vaingotarisirwa pasi izvo zvaizombotuma dzimwe nyika kusatumira nhengo dzavo kumutambo uyu.

“Mugore ra1936, Adolf Hitler akaramba kukwa­zisa Jesse Owens wekuA­merica mushure mekunge ahwina goridhe nekuti aive munhu mutema. Saka kus­arura kwakangobvira kare kuriko. Ndiko kusaka nhasi tichipembera kuwana kuzvitonga kuzere muny­ika yedu nekuti iye zvino hatichasangane nerusarura urwu, tave kuenda kunok­wikwidza kwatinoda takasununguka,” anodaro Mujaji.

Mazuva ano Mujaji ave kuita basa rekusimudzira vechidiki vane tarenda rekumhanya mujaho kuboka rake reElite Athlet­ics Academy kuZvishavane.

Anoti pari zvino ane vechidiki 11 avo vaari kushanda navo uye vane mukana wekusvika kure mumujaho wekumhanya mune remangwana.

Share This:

Sponsored Links