‘Rusununguko rwatipa mukana wemabasa’

06 Apr, 2023 - 08:04 0 Views
‘Rusununguko rwatipa mukana wemabasa’ Mai Moreblessing Tilima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHUKADZI vanoita mabasa ekutengesa zvirimwa nezvimwe zvinhu kuMbare Musika, muguta reHarare, vanoti vanotenda kuwana kweZimbabwe rusununguko rwuzere sezvo izvi zviri kuvapa mukana wekuita mabhindauko avo munyika ine runyararo.

Kwayedza yapinda mumusika weMbare ndokuita hurukuro nemumwe wemadzimai aya, uyo anotengesa magogoya nezvimwe pamisika wake uye anoti anofara nerunyararo rwuri munyika muno.

“Runyararo rwakakosha zvikuru muupenyu nekuti ndirwo rwunoita kuti tive nebudiriro. Kune vamwe vari kune dzimwe nyika uko vakaenda kunotsvaga mabasa asi kutaura chokwadi havana rugare nekuti tiri kunzwa kuti vari kushandiswa maawa akawanda siku nesikati pasina zororo, asi kana uri munyika mako unozviwanisa zororo iwe pachako. Sesu tinotengesa pamusika kubva mangwanani kusvika kuma2 masikati apo tinenge tava kuenda kumba kunobikira mhuri tozorora tichiverenga mari dzedu,” vanodaro Mai Moreblessing Tilima (25) avo vanotengesa magogoya.

Vanoti vanonohodha magogoya aya kuHonde Valley, kuManicaland.

“Magogoya ane mari yakawanda nekuti vanhu vazhinji havachanyanyi kufarira chingwa. Mugomo mumwe chete tiri kuuita US$10 uye tine mamwe atinopimawo kune vanoda mashoma achiita US$2 kana US$1. Vakawanda vanoafarirawo nekuti anogutsa uye ane utano,” vanodaro.

Mai Tilima vanoti vava nemakore anodarika matatu vari mubhizimusi iri uye rinovayamura kuti variritire mhuri yavo.

“Bhizimusi redu riri kufamba asi chatiri kuchema kuHurumende inhau yekudonha simba kwemari yemuno zvichikonzerwa nemusika mutema, saka kudai yapindira ipapo pamwe zvaibatsira kuti tiwane kuita mabhizimusi edu tichiwanawo purofiti.

“Patinonohodha, tinotarisira kuzowana mari iri nani nekuti tinoshandisa zvifambiso zvedu uye mitero yekanzuru yepanzvimbo dzatinotengesera. Saka kana mari yemuno isiri kufambirana neyekunze, tinorasikirwa nekuti wose anoda kutenga anouya nemabhondi (RTGs) iwe ndopaunozosara wava kunzwa kuti reti (rate) rakwira, nyambisirwa unenge watengesa nereti remangwanani,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoyambira veruzhinji kuti vachengetedze runyararo kuitira kuti vakwanise kuramba vachiriritira mhuri dzavo zvakanaka.

“Mhirizhonga ine makuva pasi, ine mavanga mukati, inoshungurudza vana, madzimai nevanasikana kunyanya. Mhirizhonga inoparadza midziyo nezvivakwa izvo zvakatora makore mazhinji kuti zvivepo nokudaro inofanira kupedzwa kuburikidza nekubatana.

“Nyika inovakwa nevane vayo – akava mashoko anogarotaurwa nemutungamiriri wenyika Cde Emmerson Mnangagwa,” vanodaro.

Mai Tilima vanoti kuti munhu wose ari munyika muno akwanise kuenda kubasa rose raanoita, inyaya yekuti Zimbabwe yakasungurwa kubva kuhutongi hwevachena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>