SA hutu nemukombe weCAF

21 Dec, 2023 - 16:12 0 Views
SA hutu nemukombe weCAF Chikwata cheSouth Africa chichipemberera mushure mekuhwina mukombe weCAF African Schools Football Championship paGateway High School, muHarare

Kwayedza

Abel Ndooka

SOUTH Africa ndiyo yakahwapura mikombe yese yeCAF African School Football Championship sezvo yakahwina kuvakomana nekuvasikana mumutambo wakatambirwa muno pachikoro cheGateway High School muHarare svondo rapera.

Mumitambo yevakomana, South Africa yakahwina menduru yegoridhe zvichitevera kukunda kwayakaita Malawi mufanirai yemutambo uyu.

Mutambo uyu wainakidza zvikuru kukunda ngoma kurira izvo zvakaona South Africa ichihwina 3-0 kumapena mushure mekunge wapera uri mangange 1-1.

Zvikwata zviviri izvi zvainge zvabuda mumapoka azvo zvisina kumbokundwa uko zvakatamba nhabvu yainwisa mvura.

South Africa yawahwiniswa mukombe, menduru dzegoridhe pamwe chete ne$100 000, kuchiti Malawi yakahwina menduru dzesirivha neU$75 000.

Chikwata cheZimbabwe chevakomana chakapedza chiri pechitatu ndokuhwina menduru yebhuronzi neUS$50 000 zvichitevera kukunda kwachakaita Namibia 1-0 mumutambo wekurwira chinzvimbo chechitatu.

Zimbabwe yaive muboka rimwe chete neMalawi iyo yakaikunda kamwe chete izvo zvakazoitadzisa kuti iende kufainari yemutambo uyu.

Mutambi weZim ari kusimukira, El Shaddai Sadomba, akahwina mubairo wegolden boot pamwe chete naRhys Ferguson wekuSouth Africa sezvo vese vakanwisa kana (4) mumitambo yavakatambira zvikwata zvavo.

Kumitambo yevasikana, South Africa ndiyo yakasimudza zvekare mukombe zvichitevera kukunda kwayakaita Botswana 3-1 ndokuwaniswa US$100 000.

Mutambo weCAF African School Football Tournament unorongwa nesangano reConfederation of African Football (CAF) rakabatana nematunhu enhabvu emuAfrica anosanganisira COSAFA, UNAF neCECAFA nechinangwa chekusimudzira vechidiki vari muzvikoro pamwe chete nekuvapa mikana yekugadzira mazita avo mumutambo uyu.

Shasha dzinenge dzahwina kumatunhu aya dzinowana matikiti ekunomirira nyika kumitambo yeFinal Continental Tournament iyo ichazotambwa gore rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>