Uncategorized

Sabhuku ovavira mambo

01 Dec, 2021 - 15:12 0 Views
Sabhuku ovavira mambo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SABHUKU Shirichena vekudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro vari kudya magaka mambishi zvichitevera nyaya yakaburitswa neKwayedza svondo rapera inoti vakashevedza tsikamutanda – uyo ari kupomerwa kuti akange ave kuita mabasa ekupfimba madzimai evanhu nekutorera vanhu zvipfuyo nechikiribidi zvikazoita kuti adzingwe naishe venzvimbo iyi.

Kwayedza yakabuditsa nyaya iyi apo vakafanobata chigaro chaMambo Nyamweda, VaNobert Musekiwa Mandaza, vakati vakadzinga tsikamutanda uyu nekuda kwemhosva dzakasiyana dzaanopomerwa dzinosanganisira kupfimba madzimai evanhu nekuripisa vanhu zvipfuyo zvakadai sembudzi kuburikidza nenzira dzechitsotsi.

Asi Sabhuku Wilson Shirichena vane mumusha maigara tsikamutanda wekupfochomeswa namambo uyu vanoti havawirirane nemashoko akataurwa naMambo Nyamweda.

“Nyaya yamakanyora yose manyepo, hapana chokwadi chiripo. N’anga iyi haina kumboita zvakadaro. Munhu uyu ndini ndakamushevedza, aibatsira vanhu zvakanaka.

“Zvose zvekunzi aipfimba madzimai evanhu nevana vechikoro handina kumbozviona ini. Ndinoda kuti iye mambo nevanhu vake, kusanganisira nemi (Kwayedza) muuye pa’ground’ titaure, pasina izvozvo tinopedzerana,” vanodaro Sabhuku Shirichena.

Vanoti zita ravo rakasviba nekuda kwenyaya iyi.

“Fanika iwe (kureva munyori uno) dai ndaiva nepfuti ndaikupfura masikati machena kutaura chokwadi nekuti wakasvibisa zita rangu. Huyai titaure nyaya iyi ipere kuno, pasina izvozvo hamheno.

“Ndinoda mawitnesses enyaya iyi. Mambo wacho nevanhu vake vane makuhwa uye iwe wakaitiswawo makuhwa. Kana musina kuuya ndichaenda kunonyoresa chaizvo zvakaitika kuHerald chaiko,” vanodaro Sabhuku Shirichena.

Mapepanhau eThe Herald neKwayedza ndeemudumbu rimwe chete sezvo ose achidhindiswa nekambani yeZimpapers.

Tsikamutanda uyu, VaOliver Chatikobo (35), uyo anozivikanwa saSekuru Sinyoro vekuHurungwe anotiwo, “Hongu ndakabva kwaNyamweda ndava kupurazi reCanterburry riri kuMarirangwe. Zvekunzi ndinodanana nemadzimai evanhu nevana vechikoro nekutorera vanhu zvipfuyo zvavo kunyepa. Zita rangu rasviba, zvinoda kuti tigare pasi votiratidza vanhu vakatorerwa zvinhu nemadzimai evanhu nevana vechikoro vacho.”

Anoti Mambo Nyamweda vakatuma machinda avo vakasvitsa shoko kwavari rekuti vabve mudunhu ravo uye vakazonyorawo tsamba kuna mambo vachida kuziva mhosva dzavo asi vakapindurwa kuti ishe ava vaida kutaura naSabhuku Shirichena, kwete naivo.

“Ini ndinofamba nemudzimai wangu, hapana pandingadanane nemamwe madzimai mukadzi wangu aripo. Ndine vakomana vandinofamba navo vasina kuroora vanopfimba vasikana, saka hapana pandingabvunze kuti vakaroorwa here kana kuti vana vechikoro,” anodaro Sekuru Sinyoro.

Anoenderera mberi: “Kana pasina kugarwa pasi nekuda kwenyaya iyi tinopedzerana kuHigh Court. Fungai izvozvi vabereki vangu nemadzitezvara vachiona izvi vanoti kudii?”

Sekuru Sinyoro vanoti varume vane vakadzi vavanonzi vaipfimba sei vasina kunomhan’ara kwasabhuku?

Zvisinei, Mambo Nyamweda vanoti havazi kuzodzokera kumashure pamashoko avakataura munyaya yakaburitswa neKwayedza, vachiti zvose ichokwadi.

“Sabhuku Shirichena natsikamutanda uyu ngavaende kwavanoda nekuda kwenyaya iyi. Tine umboo hwenyaya iyi yose. Imwe nyaya hombe ndeyekuti n’anga iyi payakauya muno vakazivisa aniko?” vanodaro Mambo Nyamweda.

Pasi pemitemo yenyika ino, kuita zvehutsikamutanda hautenderwe sezvo iri mhosva inoendesa munhu kujeri.

Kuita hutsikamutanda kunokonzera kusagadzikana mumhuri sezvo kakawanda zviine kunangana huroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>