Uncategorized

‘Sadza rosanduka kuita tsvina yemunhu’

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Sadza rosanduka kuita tsvina yemunhu’

Kwayedza

MASHIRIPITI ari kuitika kumhuri iye yemubhuku rekwaGweshe, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve — iyo yava kugara nekurara panze zvichitevera kuparadzwa kwedzimba nekupiswa kwemidziyo nezvinhu zvinofungidzirwa kuti zvikwambo — akwira makata sezvo vanhu ava vava kungoona tsvina yevanhu iri muchikafu chavo.

Mhuri yekwaMakore yasara iri pamhene sezvo dzimba dzapera kudhirika nekutsva uye chikafu chose nemidziyo zvakatsva mumashiripiti ave nemasvondo anodarika maviri atanga.

Pamusha pari kuitika manenji aya ndepaVaTapera Ernest Makore, avo vakashaika gore rapera. Nyaya iyi yakatanga kubuda muKwayedza yesvondo rapera.

Nemusi weChipiri svondo rino, mwanakomana wepamusha apa, Tatenda Makore (21), akaridzira Kwayedza nhare achiti moto unongotanga chiri chamupupuri uyu wakambomira asi vave kuona tsvina yevanhu ichingodonhera mumapoto esadza, mundiro nemune zvimwe zvokudya zvavanobika.

“Tava nemazuva tisina kudya pano. Moto wakamira zvawo asi tsvina, yevanhu chaiyo, ndiyo yave kuiswa mundiro nemupoto vanhu vachibika kana kuti vachidya.

“Kwemazuva manonwe adarika mapoto ose ari kudonhedzerwa tsvina yevanhu nyoro chaiyo ichiratidza kuti ichangoitwa. Anoiita wacho hatimuone.

“Tsvina iyi iri kudonherawo mumvura kunyangwe vanhu vachitobva kutsime, migomo iri pamusoro kana kuti yagadzikwa mumba,” anodaro Tatenda.

Anoti izvi zviri kuitika masikati machena kana husiku apo munhu anenge achida kunokora sadza kana kumwe kudya onongoerekana ave kuona mukonde wesadza wave tsvina mundiro.

“Tinobva tarasa tsvina iyi kunze kwemusha apo unogona kusvikoona imwe tsvina ichidonhedzerwa pamasofa mumba,” anodaro Tatenda.

Tatenda anoti hakuna vehukama vari kuda kubatsirana navo padambudziko iri.

Tsvina iyi inonziwo iri kuonekwa pachivanze chose.

Amai vaTatenda, Mai Fairesi Makore (60), vanotsinhira vachiti tsvina iyi inogona kungobva mumhepo yosvikodonhera munhu mumusoro isingaonekwe kuti yabva kupi.

“Nyaya iya yasandura musambo, tave kuisirwa tsvina mukudya uko tinorasa zvatinongoti zvidhoma chete. Chingava chii?

“Izvozvi tava nesvondo pasina munhu akanda chikafu mukanwa. Tave kutoenda kumagirosa kunotenga zvekudya todyira ikoko kana kubatsirwa nevanhu vemumamana,” vanodaro Mai Makore.

Vanoenderera mberi vachiti, “Moto wakamira asi kwatangawo zvimwe. Hatizive mhosva yatakapara.”

Mhuri yekwaMakore yaigara kuBulawayo kubva kuma1970 ndokuzoenda kumusha musi wa30 Nyamavhuvhu gore rino mushure mekunge vatanga vatengesa imba yavo yekuBulawayo. Ndipo pakatanga dambudziko iri.

Vanenge vachida kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0785 995 030.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti dambudziko rakatarisana nemhuri iyi rinoratidza kuti rine chekuita nehuroyi.

“Mhuri iyi inoda kubatsirwa. Pakapera moto waingobatira woga uyu vanhu vangafunge kuti zvinhu izvi zvakaenda, asi kwete. Kana tsvina iyi ikapera, zvinhu izvi zvinenge zviripo. Zvinoda kubviswa, tine nyanzvi dzatichaendesa ikoko,” vanodaro.

Vanoti moto waibatira woga pamusha uyu unogona kunge uri chiratidzo chengozi inenge yakaparwa kana kuti uri kukonzerwa nezvidhoma.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>