Uncategorized

Salvation Army yoda kuvhara

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Salvation Army yoda kuvhara CAPT VICTORMAFUKIDZE

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUFUNDISI wechechi yeSalvation Army iri yekwaMambo Chivero, kuMhondoro — uyo ari kupomerwa kupa pamuviri musikana wemuchechi iyi – anonzi ava kuedza kuvhara nyaya yemimba iyi senzira yekuda kuchengetedza basa rake.

Captain Misayi Shiri (45) vepachechi yepachikoro cheMarowa Primary School vari kupomerwa kumitisa musikana waanoita hanzvadzi — Luckshine Bindu (22) — uyo ari kutsinhira kuti pamuviri paanapo ndepe mufundisi uyu.

Captain Shiri vanonzi vakaenda kumba kwevabereki vemusikana uyu musi weChina svondo radarika (Chikunguru 6) mushure mekunge Kwayedza yamboita hurukuro naLuckshine nekuda kwenyaya iyi, vachimuti asandure mashoko aari kutaura ekuti ndivo vakamupa mimba.

Pane chikwata chevakuru vechechi iyi chiri kunzi chakatumwa kubva kumuzinda mukuru weSalvation Army uri muHarare chikashanyira mhuri yekwaBindu nemusi weChina iwoyu ndokuedza kuvhevhetedza Luckshine pamwe nasekuru naambuya vake avo vaanogara navo kuti vabvume kuti asandure nyaya yekuti pamuviri apa ndepaCaptain Shiri.

Chikwata chevekuchechi ichi chinonzi chaitungamirirwa naMajor Chinyemba. Luckshine anotsinhira kuti vakashanyirwa nechikwata chakabva kumuzinda mukuru weSalvation Army kuHarare nemusi weChina.

“Nezuro (China 6 Chikunguru), mufundisi Shiri vakauya pano pamba pedu kuma3 dzemasikati vaine mudzimai wavo, naMai Clive Marowa nevamwe vekuchechi vakabva kuHarare vachinditi ndichinje zvandakataura ndoti nhumbu haisi yavo, ndoita zvekunyora tsamba ndichiti zvandaiva ndataura pekutanga handizvo.

“Vakati vaiitira kuti vasaburitswe basa sezvo vachiti basa rikapera vanozotadza kundichengeta nepamuviri pangu nekuzobvisa mari yedhemenji yavakabvuma kubhadhara kare,” anodaroro Luckshine nemusi weChishanu wadarika.

Anoenderera mberi achiti: “Ini ndakaramba nyaya iyi ndichiti handina munhu wandinozokwanisa kupa kana kunenera pamuviri apa nekuti ndepavo mufundisi, hazvichinje.

“Ndakaridzira amai vangu nhare vakazviramba. Kana sekuru naambuya vandinogara navo vakapenga vachiti havadi kunzwa nyaya yakadaro. Major Chinyemba vakanditi ndinyore tsamba ndichitaura kuti nhumbu haisi yamufundisi ava, asi ini ndakazviramba – tese nevabereki vangu.”

Mashoko ake anotsinhirwa naSekuru Moses Bindu (75) nemudzimai wavo, Mbuya Violet Bindu (71), avo vanochengeta musikana uyu.

“Takaramba zvavaida zvose,” vanodaro Mbuya Bindu.

Zvichakadai, Major Chinyemba vakazotaurwa navo neKwayedza nemusi weChishanu wadarika vakabvuma kuti vakaenda kuMhondoro, uko vanoti Captain Shiri akanoramba kuti nhumbu ndeyake.

“Takaenda kuMhondoro tichida kugadzirisa nyaya iyi asi zvakanosiyana sezvo mufundisi vakaramba kuti nhumbu iyi ndeyavo,” vanodaro Major Chinyemba.

Munyori muchikamu chinoona nezvekudyidzana neruzhinji kumuzinda weSalvation Army muHarare, Captain Victor Mafukidze, vanotsinhira kuti vakatumira chikwata chevakuru vechechi yavo kuMhondoro vakadzoka nemashoko anoti pamuviri pana Luckshine hapazi paCaptain Shiri.

“Vanhu vakaenda kuMhondoro vaisanganisira Major Chinyemba nevamwe avo vanoti vakataura nasekuru nambuya vemusikana uyu vanonzi avo vakati nhumbu yaisava yamufundisi uyu. Asi zvinonzi musikana uyu havana kumuona,” vanodaro Captain Mafukidze.

Captain Mafukidze vanoenderera mberi: “Nekuda kwemashoko ari kupesana aya, tave kutumira zvakare chimwe chikwata kunotaura nemativi ose. Hativharidzire mafundisi anoita mabasa akadai.”

Zvisinei nemashoko anotaurwa naCaptain Mafukidze ekuti Major Chinyemba nechikwata chavo havana kuona Luckshine pavakaenda kuMhondoro, musikana uyu anozviramba achiti akaonana navo vose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>