Uncategorized

Sanganai ‘natete’ veHarare. Odzidzisa Chinamwari pajekerere

11 Nov, 2019 - 16:11 0 Views
Sanganai ‘natete’ veHarare. Odzidzisa Chinamwari pajekerere Gogo Mukwapura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVISINEI nekuti nyaya dzezvepabonde dzinowanzotaurwa panzvimbo dzakahwanda, imwe chembere iri kuswera ichidzidzisa veruzhinji zvidavado zvebonde pajekerere pakati peguta reHarare.

Kwayedza yakaita mahwekwe naMbuya Svorai Mugongachako – avo vanozivikanwa nezita rekuti Gogo Mukwapura nekuda kwekuti vanotengesa mishonga yemusana – vari mushishi kuratidza veruzhinji vaive vakavaunganira paCopacabana zvidavado zvepabonde kana kuti Chinamwari.

Vamwe varume vaivepo vaitokumbira kuti muchembere uyu aratidzire zvidavado izvi pavari.

Kubva kare, basa rekuraira vakomana kana vasikana zvekunoita kumadzimai kana kuvarume vavo kana vazoroora kana kuroorwa raisiitwa nemadzitete, vana sekuru kana vana ambuya vemunhu.

Asi nekusanduka kwaita tsika nemagariro, izvi hazvichaitika sezvo dzimwe mhuri dzaparadzana zvekuti ana tete, madzimbuya nemadzisekuru ava havachaita sezvaiitwa kare.

Pakasvika vatori venhau paive naGogo Mukwapura, yakatambirwa nemashoko emunhurume aiti, “Itai pandiri gogo, itai pandiri ndimi mungatondigonera. Makapenga muchembere! Ah-a, makabatana mune zvinhu zvenyu.”

Murume wechidiki uyo ainge akabata bhodhoro redoro uyo akazodzingwa nevazukuru vaGogo Mukwapura kuti asakanganise basa ravo ndiye aidaro.

Vamwewo varume ndivo vaive pamutsetse wekubatsirwa nechembere iyi vachichema-chema nezvakasiyana zvinosanganisira kushaya simba kana vaine madzimai avo muimba yekuvata.

Muhurukuro neKwayedza, Gogo Mukwapura vanoti chinangwa chavo ndechekuti dzimba dzevari muwanano dzisaparare – anova mazano aisipangwa nemadzisekuru, madzimbuya kana vana tete kare.

Zvino Gogo Mukwapura ndivo vava “tete” vemuHarare.

“Chinangwa changu hachisi chekuratidzira zvinyadzi kwete, asi ndakaona kuti hakuchina vanatete, vana sekuru nanambuya avo vanoraya vanhu maringe nenyaya dzepabonde nekuti ndidzo dzakakosha zvikuru muwanano.

“Kana ukaona zviya vanhu vasisapanane bonde zvinoreva kuti wanano hapachina zvachose, kunenge kwangova kugarisana. Zvidavado zvomene ndinofundisa, kana kumba kwangu kwaZiko, kwaSeke nyaya ndiyo ndiyo.

“Pano kungoratidzira hangu kuti vanhu vazive kuti ndiro rimwe remabasa angu pamusoro pekutengesa mishonga,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Kugona izvi kunobatsira kuti murume kana mukadzi asabuda mumba achinotsvaga vamwe vanomugutsa kunze. Ndiri kusangana nemadzimai ari kupa varume bonde kamwe pasvondo voti zvaguma zvakadaro. Kwete, hazvitenderwi, chero munhu ukarwara unongonyepedzera zvekuratidza kuti une chido asi mumwe wako anotozoonawo kuti uri kurwara pane kuti urambe zvachose uchijinyura mumwe wako.”

Gogo Mukwapura vanoti murume wavo anodzidzisawo zvidavado izvi.

“Ini ndinofundisa madzimai chete, varume vachidzidziswa nasekuru. Asi, ndava kusangana nedambudziko rekuti kune vamwe varume vanototi vanoda kufundiswa neni. Kana zvadaro ndinovafundisa pajekerere asi vachiokera pamwe nemadzimai avo.

“Mukufundisa madzimai, tinotobvisa mbatya topfeka zvikabudura. Nyakudzidziswa anenge achitevedzera zvandinenge ndichiita ndichitomaka zvikamu zvaanenge apedza asi hii-i, kune vamwe vane zviuno zvakaomarara zvekuti ritori basa guru kuvapingudza,” vanodaro Gogo Mukwapura.

Vanoti zvidzidzo izvi zvinotora mwedzi miviri zvichiitwa.

“Zvinotora mwedzi miviri kuti munhu apase asi kune nhinhi dzinogona kutora mwedzi mitanhatu chaiyo. Munhu anouya kamwe pasvondo nekuti vamwe vanoenda kumabasa. Pasvondo ndinofundisa vanhu vakawanda chaizvo, kutodarika zana.”

Gogo Mukwapura vanoti kune mhando dzezvidavado dzinosvika makumi mashanu idzo dzinosanganisira “chetsuro”.

“Chidavado chetsuro chinowanza kuitwa nevanhu vari pakumhanya, vaine rwendo kana kumhanyira kubasa. Chinoitwa kuti vanhu vabate nguva kana kuti mangwanani vanhu vasati vamuka.”

Gogo Mukwapura vanoti vanodzidzisawo kukosha kwekuti madzimai akaroorwa azviise pasi pevarume vavo.

“Madzimaiwe-e, zviisei pasi pemadzibaba enyu zvisinei nekuti makafunda sei. Vakawanda vane madhigirii vanouya tichivadzidzisa zvidavado izvi asika tine chikamu chatinovaraya kuti varume vanoda ruremekedzo rwavo sababa. Murume angava rombe iwe uine mari, asika mari haikuroore. Nekudaro murume anotodiwa chete hatidi kunyeperana.

“Murume anoda kubikirwa, kudziisirwa mvura, kurezvwa semwana nekuti vazhinji havatani kushatirwa, zvikuru panguva ino yekunetsa kwezvinhu. Saka madzimai ngatidzidzei zvinoda vamwe vedu tikunde nekuti kurambana kwawanda,” vanodaro vachiseka.

Zvichakadai, kunzvimbo dzakaita sekuChipinge, kuManicaland nekuChilonga, kuChiredzi, kune tsika zvakare yekufundiswa kweChinamwari.

Pasi petsika iyi, vechidiki vemazera anobvira pamakore gumi zvichienda mberi vanoendeswa kumasango uko vanonodzidziswa nyaya dzepabonde pamwe nemabatirwo anoitwa murume apowo vanakomana vanofundiswawo mabatirwo anoitwa mudzimai segadziriro yewanano.

Chinamwari kana kuti Khomba itsika inowanzoitwa munguva yechando mumwedzi waChikumi kusvika kupera kwaChikunguru uye vakomana nevasikana ava vanenge vachitogara kumisasa vasingatenderwe kuonana neveruzhinji kana vabereki vavo.

Vanenge vakunda mudzidziso iyi vanoitirwa mabiko ekupemberera kupedza kwavo zvidzidzo pachitouraiwa mombe nekubikwa doro rechivanhu.

Vose vanenge vapedza zvidzidzo izvi havadanwe nemazita avo ekubarwa asi kuti vanopihwa mamwe akadai sekuti MwaHassani kana MwaMulilo kusvikira varoora kana kuroorwa.

Munhu anowanikwa achivadaidza nemazita avo ekuzvarwa anoripiswa kana kutoendeswa kudare ramambo nekuti imhosva huru kutyora tsika iyi.

Share This:

Sponsored Links