Uncategorized

Sango rizere nyama

10 Sep, 2020 - 12:09 0 Views
Sango rizere nyama Nyama yemhuka iri mumota yemapurisa nemusungwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuHwange, kuMatabeleland North, akabatwa nemapurisa eko, vamwe vake vaviri ndokutiza apo vakawanikidzwa vachisasika nyama yenhoro (kudu) nhanhatu dzavainge vauraya pamitariro musango.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Chief Inspector Siphiwe Makonese, vanoti munhu mumwechete akasungwa pakati pesango rekuKasibo nemhosva yekuuraya nhoro nhanhaatu nevamwe vake vaviri avo vakatiza.

“Tine murume akasungwa nemapurisa nemhosva yekuuraya mhuka dzesango apo vamwe vaviri vakatiza. Varume vatatu ava vakaonekwa nevanhu vaitsvaga mombe yavo vachivhiya nhoro zvikazoita kuti nyaya iyi isvitswe kumapurisa.

“Mapurisa eZRP vakazoenda musango iri vakanowana muine mitariro yenyama yakayanikwa asi pasina vanhu,” vanodaro Chief Insp Makonese.

Nyama yemhuka dzesango yakayanikwa pamitariro musango

Apo mapurisa pavakasvika paiva nenyama iyi, vanonzi vakazotevera tsoka dzevanhu kwechinhambwe chinoita makiromita ndokudhumhana nevarume ava vachibika sadza musango.

“Varume vatatu ava vakatanga kutiza apo mapurisa akaridza pfuti mudenga kuti vamire, vaviri vavo ndokuramba vachitiza.

“Patrick Dube (68) ndiye akazobatwa kukawanikwa matemo matatu nemadhibhura ewaya ekubatisa mhuka nekudaro murume akabatwa uyu ari mumaoko memapurisa apo vamwe vaviri vari kutsvagwa,” vanodaro Chief Insp Makonese.

Vanoti mabasa ekuvhima zviri kunze kwemutemo ari kukonzera kuparara kwedzimwe mhando dzemhuka zvichikonzera kushomeka kwadzo mumasango uyewo zvichikanganisa mabasa ekushanyirwa kwenyika nevanhu vanoda kuzoona mhuka.

“Pamusoro pezvo, mabasa ekuvhima zviri kunze kwemitemo aya ari kukanganisawo zvipfuyo zvevanhu vagere kunzvimbo dzakakomberedza masango sezvo zvipfuyo zvavo zviri kubatwa nemisungo nemadhibhura anoteewa nembavha idzi.

“Saipapa, mombe yaitsvagwa nevanhu vakasvitsa mashoko kwatiri yakazowanikwa yakabatwa nedhibhura musango.”

Chief Insp Makonese

Chief Insp Makonese vakatenda veruzhinji vari kubatsirana nemapurisa pakusungwa kwevanhu vanenge vapara mhosva dzakasiyana.

“Kune vanhu vanotya kubuda pachena vanokwanisa kuisa mashoko avo mumabhokisi ari pamakamba emapurisa vachitaura zviri kuitika,” vanodaro.

Nyama yemhuka dzakauraiwa idzi yakaendeswa kumapurisa sehumbowo hwenyaya kumatare apo vamwe varume vaviri ava vachiri kutsvagwa nemapurisa.

Mutauriri wechikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka, cheZimbabwe Parks and Wildlife Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo vanoti imhosva huru kuvhima mhuka zviri kunze kwemutemo.

VaTinashe Farawo

“Vanhu ngavazive kuti iyi imhosva huru yekuuraya mhuka zviri kunze kwemutemo.

“Isu nemapurisa tiri kushanda tose tichisunga nhubu dzakadai,” vanodaro VaFarawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>