Saurombe akahwapura mukombe

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Saurombe akahwapura mukombe

Kwayedza

SHASHA yemutambo wegorofu, Robson Saurombe, svondo radarika ndiye akahwina mubairo mukuru wemari inosvika US$3 600 pamutambo weGolden Pilsener Harare Open uyo wakatambirwa paChapman Golf Club muHarare.

Saurombe akatamba zvinonwisa mvura izvo zvakamuona achikunda mhondondoro dzemutambo uyu dzinopfura 60, idzo dzinosanganisira Dale Howie uyo aive nemukombe uyu pamwe nevamwe vakaita saIgnatius Mketekete, Tongo Charamba, Ryan Cairns naMohammad Mandhu.

Muhurukuro neKwayedza, Saurombe anoti akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kuhwina kwaakaita mutambo uyu kanove kekutanga.

Mumakore matatu kubvira pakavambwa mutambo weHarare Open, Saurombe pekutanga akakundwa naMketekete uyo akaenda nemukombe kozoti gore radarika haana kutamba zvakanaka izvo zvakamuona achiuya pechisere.

“Ndiri kufara zvikuru nekuti ndazozviita manje, uyu ndiwo wega mutambo wandange ndisati ndambohwina asi zvazoita.

“Kaviri kese kandakamboukwikwidza ndange ndichingokundwa mutambo wave kunopera asi gore rino ndezvangu.

“Mutambo uyu waikwikwidzwa nedzimwe mbangura dzakaita sanaTongo Charamba, Ignatius Mketekete avo vanove vanogona zvikuru saka ndinoona kuti ndiri kufamba mugwara chairo sezvo ndakakwanisa kuvakunda,” akadaro Saurombe.

Saurombe akambokwikwidza mimwe mitambo yakaita sePre-Open Classic, Open Classic iyo yaakauya pechitatu kozoti yeEconet Cup iyo akaita wechipiri.

Zvakadaro, Saurombe anoti masangano akasiyana anofanirwa kukotsvera mutambo wegorofu kuti usimukire.

Anoti vamwe vatambi vari kune dzimwe nyika vanotamba svondo rega-rega zvinoita kuti vatambe zvemhando yepamusoro izvo zvinosiyana nevemuno avo vanotamba kamwe chete pamwedzi mitatu kana mina.

Mutambo uyu waikotsverwa neGolden Pilsener nemari inosvika US$20 000 uye vamwe vatambi vakahwina vanosanganisira Mahommad Mandhu, Nickson Masunga naJohn Bele wekuSouth Africa uyo akaita wechina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>