Shandisai mukana uno kusakurira mbesa: ZFU 

27 Jan, 2024 - 16:01 0 Views
Shandisai mukana uno kusakurira mbesa: ZFU  VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti zvakakosha kuti varimi vashandise mukana wekumbomira kunaya kwakaita mvura kuti vasakure nekufirita zvirimwa nemushonga wesora kuitira kuti zvikure zvakanaka.

VaPaul Zakariya vanova head of secretariat pamwe naexecutive director weZFU vanoti varimi kunzvimbo zhinji dzenyika vaishaya mukana wekusakura nekufirita sora muminda yavo nekuda kwemvura yairamba ichinaya.

“Tinotenda nyadenga vakatipa mvura yakawanda kwemasvondo ane chitsama adarika zvikaita kuti zvirimwa zvedu zvisimukire zvakanyanya. Zvakadai, mvura yambomira kunaya apo zuva riri kubuda nekudaro zvinotipa mikana yekusakura nekufirita sora muminda yedu zvinoita kuti mishonga iyi ishande zvakanaka uye sora richifa zvizere.” vanodaro VaZakariya.

“Ngatisiyanei nekutenga mishonga yesora mumigwagwa kana pamusika wemukoto nekuti imwe nguva tinogumisira tatenga yakagadzirwa nenzira dzisidzo kana kuti yechitsotsi. Tine mienzaniso yemimwe minda yevarimi vedu vanozouya kwatiri vachiti mishonga yesora yavakatenga yakavapisira zvirimwa zvose nesora racho. Saka ngatitengei mishonga iyi kuzvitoro zvinozivikanwa tichishandawo nevarimisi vedu,” vanodaro VaZakariya. Vanoti kune vane minda ine hunyoro, vanofanirwa kumwayawo fetiraiza yepamusoro kuti ifanoshanda kuchimirirwa kuzodzoka kwemvura yekunaya.

“Fetiraiza yepamusoro ngatimwayei tabvisa sora muminda kuitira kuti simba rayo risazotorwa nesora. Ngatishandiseiwo mhando yefetiraiza inokurudzirwa nenyanzvi vanova varimisi vedu. Kunze kwekumwaya mishonga yekuuraya sora, ngatimwayeiwo inouraya makonye anodya zvirimwa nekuuraya tumwe tumbuyu,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links