Shasha dzenhabvu dzorangarirwa

15 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Shasha dzenhabvu dzorangarirwa

Kwayedza

SHASHA dzakaita mukurumbira munhabvu munyika ino nemuAfrica dzicharangarirwa nemutambo uyo uchaona dzimwe shangwiti dzebhora dzichitamba mumakwishu eZimbabwe Legends neAfrican Legends mwedzi unotevera kuMandava Stadium, kuZvishavane nekuRufaro Stadium muHarare.

Mutambo uyu uri kurongwa nesangano reICA Sport Africa uye ndewe kurangarira shasha dzakanetsa munhabvu, kunyanya dzakambohwina mubairo weSoccer Star of the Year kubva mugore ra1969.

Mutambo uyu uchaitwa musi wa26 Kukadzi na28 Kukadzi.

Musi wa26 Kukadzi, mutambo wekutanga uchatambirwa kuMandava Stadium uko shasha 8 dzakanetsa munhabvu dzakaita saRosemary Mugadza dzichitamba neshashawo dzechidzimai dzekuZambia.

Kozoti FC Platinum ichasangana neMufulira Wanderers yekuZambia.

Mutambo mukuru uchange uri weZimbabwe Legends neAfrican Legends.

Musi wa28 Kukadzi, kuRufaro Stadium muHarare, chikwata cheZim Legends Ladies chichasangana necheZambia Legends zvakare.

CAPS United ichasanganawo neMufulira Wanderers.

Mutambo weZimbabwe Legends neAfrican Legends uchaona vatambi vakaita saRoger Milla (Cameroon), Rigobert Song (Cameroon), Jay Jay Okocha (Nigeria), Nwanko Kanu (Nigeria), Christopher Katongo (Zambia), Kalusha Bwayla (Zambia) nevamwe vachitamba neshasha dzakanetsa muZimbabwe dzakaita saPeter ‘Flying Elephant’ Ndlovu, Charles Yohane, Edelbert Dinha, George Mbwando, Bruce Grobblear nevamwe vakawanda.

Technical director weICA Sport Africa, Julius Chakupewa uyo akambonetsawo achitambira Masvingo United muPremier League, anoti sangano ravo rakabatana nereZimbabwe Soccer Legends kuronga mutambo uyu nechinangwa chekubatsira shasha dzakaita mukurumbira munhabvu.

Anoti kuburikidza nemutambo uyu, mari yavachawana vachaedza kutumira dzimwe shasha kuzvikoro zvenhabvu kuitira kuti vave nemagwaro akakwana ekurairidza nhabvu.

“Takaronga mutambo uyu nechinangwa chekuti tibatsire shasha dzakanetsa munhabvu kare idzo dzaigarotifadza nguva nenguva.

“Vamwe vacho kubva pavakasiya zvenhabvu ndipo zvinhu pazvakatanga kushanduka muhupenyu hwavo, hapasisina zvavari kuita. Saka isu tiri kuvasimudzira kuti vagove nehupenyu hwakanaka uye tichaendesa vamwe kuzvikoro zvekurairidza nhabvu kuti vave nemagwaro vagorairidza mutambo uyu,” akadaro Chakupewa.

Muimbi ari kusimukira, Terrence Guba uyo anonyanya kuzivikanwa saPastor Terrence, ndiye akapihwa chiremerera chekunyora nziyo dzemutambo uyu.

Pastor Terrence anozivikanwa nenziyo ine mukurumbira iyo yaakaimbira Moses ‘Bambo’ Chunga uye acharidza zvakare pamutambo uyu.

“Ichi chiremerera chikuru chandapihwa kuti ndinyore nziyo dzemutambo uyu uye nekuzoridza pamutambo uyu ndakatariswa neshasha dzakanetsa munhabvu dzakaita saPeter Ndlovu, Roger Miller, Nwanko Kanu nevamwe vakawanda,” akadaro Pastor Terrence.

 

Share This:

Sponsored Links