Uncategorized

Shato paMupedzanhamo

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Shato paMupedzanhamo

Kwayedza

VANHU vanotengesera kuMupedzanhamo, kuMbare muguta reHarare, vari kungozevezana pamusoro pemukweshwa wenyoka yerudzi rweshato iyo yakafumoonekwa yakafa pamusika une mukurumbira uyu nemusi weChishanu svondo rapera.

Vari kuziva nezvenyoka yakawanikwa yakafira mumugwagwa, pedyo nemarobhotsi epanzvimbo iyi, vari kutsanangudza chiitiko ichi nepakasiyana, vamwe vachiti  yainge yabva mumusika uyu, vachiti yaishandiswa nemumwe murume mukufambisa bhizimisi rake rekutengesa mbatya. Vamwe ndivo vanoti yaive nechuma, ichirutsa mari nezvimwe.

Asi mitauro yose iyi haina tsigiro neumboo huzere, kunze kwechokwadi chekungoti zinyoka iri rakawanikwa rakafa mumugwagwa, pedyo nepanotengeserwa magemenzi uye hapana anoziva kwayakabva.

Kwayedza payakasvika panzvimbo iyi yakawana nyoka iyi ichinzi yainge yatoendeswa kukamba yemapurisa yeMatapi Police Station.

Mukuru wemapurisa pakamba iyi anotsinhira kuti nyoka iyi yakawanikwa mumugwagwa uri pedyo neMupedzanhamo.

“Panyaya yenyoka, isu hatitauri nevemapepanhau asi kungoti yatorwa neveNational Parks. Saka tichaendesa nyaya iyi kuvakuru vanoona nezvekukushwa kwemashoko, Assistant Inspector Tariro Dube, kuti vakupei,” anodaro.

Asst Insp Dube vanoti nyaya iyi vakaipfuudza kuchikamu cheBorder Control Post.

“Handichisina nyaya iyoyo, yatove kuchikamu cheBorder Control Unit,” vanodaro.

Kwayedza yakazama kuchaira nhare vekuchikamu cheBorder Control Unit asi nhare dzavo dzakange dzisingabatike.

Kwayedza yakazoita hurukuro nevamwe vanoti vakaona nyoka iyi, avo vaitaura zvakasiyana pamusoro pekwayakabva.

Petros Mafoya (25), uyo anotengesa mumusika weMupedzanhamo, anoti: “Nyoka taiona iri mumugwagwa asi yange ichiratidza kuti inogona kudaro yakatsikwa nemota manheru ikararapo. Ndinovimba kuti inogona kudaro yakabva kumakuva ari pedyo nenzvimbo iyi.”

Mashoko ake anotsinhirwa naMemory Charakupa (33) uyo anotengesera panzvimbo iyi.

“Isu tariona zinyoka rakakura, ishato chaiyo zvekuti yange yakatodimbura mugwagwa nehurefu hwayo. Rimwewo zimota remarara ndiro razomira vanhu ndokurikandamo richibva raendeswa kumapurisa ekuMatapi,” anodaro.

Anoti vane fungidziro yekuti nyoka iyi yainge yabva kumakuva ari pedyo nenzvimbo iyi.

Vamwewo ndivo vari kufambisa mashoko ekuti nyoka iyi yakabuda mubhero rembatya remumwe murume kana kuti mumupande unotengeswa mishonga yechivanhu.

“Nyoka haina kubva kumakuva, tanzwa kuti yabva mumusika umu nechekumusoro kunotengeswa mishonga yechivanhu. Pamwe pane ange achiishandisa.

“Munoti zvingabvumike here kuti nyoka ingoonekwa mukati medhorobha rakachena kudai? Chero iko kumakuva kwacho, hatifungi nekuti kwakapiswa,” anodaro mumwe anotengesa mbatya mumusika uyu, uyo akaramba kuti zita rake ribudiswe.

Imhosva kuti munhu agare kana kuuraya nyoka kana imwewo mhuka yemusango asina kupihwa mvumo nevebazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority.

Share This:

Sponsored Links