Uncategorized

Shato yemuhotera yomuzvimbira

24 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Shato yemuhotera yomuzvimbira Queen Mpofu

Kwayedza

Abel Zhakata

MUTONGI wedare reMutare Magistrates Court svondo rapera akapa gwaro rekusunga mukadzi anonzi anoita basa rekutengesa muviri wake apo asina kuenda kudare iri zvichitevera kupomerwa kwaari kuitwa kuti akawanikwa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rweshato yakareba mamita matanhatu muimwe hotera iri maMutare.

Queen Mpofu ari kutongwa nemhosva yekutyora mutemo weParks and Wildlife Act apo anonzi akawanikwa aine shato iyi zvisina mvumo.

Mpofu, uyo akapihwa bhero nguva yadarika, haana kuenda kudare nemusi weChipiri kunyangwe zvazvo akambenge ariko neMuvhuro aine mumwe waari kupomerwa mhosva iyi naye, Loice Samhere.

Mutongi Tendai Mahwe nemusi weChipiri uyu akachenura Samhere achiti hapana umbowo hunoratidza kuti akapara mhosva iyi.

Mpofu aifanirwa kupihwa mutongo wake nemusi weChitatu asi haana kuonekwa mudare.

Gweta VaCosmas Chibaya vanoti Samhere akaendeswa kudare semuridzi weGreen Gate Lodge, uko kwakawanikwa shato iyi.

“Hapana umbowo hunomubatanidza kumhosva iyi, ndicho chikonzero dare ramuchenesa,” vanodaro VaChibaya.

Pakutongwa kwenyaya iyi, muchuchisi Tirivanhu Mutyasira akadana chapupu chikuru, Simbarashe Mupuradzuva, kuti ataure zvakaitika paakaona shato iyi iri mumba yehotera maiva naMpofu.

Mupuradzuva anoti mushure mekuona nyoka iyi, akarova bara kumhanya kunomhan’ara kukamba yemapurisa yeMutare Central Police Station.

Paakadzoka nemapurisa matatu, vakatadza kubata shato iyi nekutya.

Simbarashe Mupuradzuva

Mapurisa matatu aya akadzokera kukamba kunotora vamwe vavo asi pavakazodzoka vakaiwana isisipo.

Samhere anoti kunyangwe zvazvo ari muridzi weGreen Gate Lodge, handiye anoona nezvekufambiswa kwebasa pahotera iyi zuva nezuva.

Anoti kana makasitoma achinge abhuka kugara muhotera iyi, haana ruzivo pamusoro pezvinhu zvavanounza pavanenge vachigarapo.

Paakambomiswa mudare iri nguva yadarika, Mpofu akadura kuti anoita mabasa echipfambi.

Akati kunyangwe zvazvo akange abhuka pahotera apa pakaitika nyaya iyi, shato iyi yaisava yake.

Mpofu anonzi husiku hwemusi wa3 Ndira, akange azviwanira chikomba icho aida kusasana nacho pahotera iyi apo pakazosvika Mupuradzuva.

Mupuradzuva anonzi aidawo kusasana nemukadzi uyu apo akabuda mumba yake ndokudhumana naye panze.

Mpofu anoti Mupuradzuva akaramba achimutsvetera kuti vasasane vakazopinda mune imwewo imba yaive isina munhu.

Anoti mumba iyi ndimo mavakaona zibhegi raive nemukweshwa weshato iyi.

Share This:

Sponsored Links