Uncategorized

Shavi rekuroya tugu pamuyenzi

13 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Shavi rekuroya tugu pamuyenzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wechidiki akange apihwa pekurara neimwe mhuri yekuHopley Zone 6, muHarare, mushure mekunge adokerwa nezuva asati asvika kwaaienda anonzi akazobatwa neshave rekuroya pakati pehusiku ndokukumura mbatya dzose apo akazoedza kudzipa mwanasikana wepo waaive arere.

Paakaita izvi, mukadzi uyu anonzi aiti akange adyisa musikana uyu nyama yembwa. Izvi zvakaitika pamba paVaKesby Madongo (63) nemusi weChipiri nguva pfupi yadarika.

Mukadzi uyu – uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa – aitaura mazita akasiyana achiti anonzi Grace, Paida kana kuti Lisa uye kuti akabva kwaCharumbira, kuMasvingo, netsoka mushure mekunge akabatwa neshave rehuroyi.

Mhomho yakaungana-pasvondo ichidongorera-nepamafafitera

Mhomho yakaungana-pasvondo ichidongorera-nepamafafitera

Zvadaro, chava Chitatu mangwanani, mhomho yevanhu yakazoungana pamba apa mushure mekunge vanzwa nyaya yekuti mukadzi uyu aive abatwa neshavi rehuroyi.

Mukadzi uyu akazotorwa nevechechi yePower of The Gospel International vachinzi vainomubatsira. Monalisa Madongo (20) wepamba apa anoti mukadzi uyu akaunzwa husiku nevamwe vanhu achitsvagirwa pekurara.

“Amai vedu vanoshanda kuSocial Welfare saka matambudziko mazhinji anounzwa kumba kwedu sekuunzwa kwakaitwa mukadzi uyu achitsvagirwa pekurara. Husiku uhu, akaramba kudya sadza rake ndokuzodya rakanga rasiiwa nababa akaripedza achiti aisada kudya nemadzimai asi nevarume,” anodaro.

Imba yakarara muroyi

Imba yakarara muroyi

Monalisa anoti mukadzi uyu akazoenda kunorara nemumwe wevanin’ina vake. Anoti pave pakati pehusiku, mukadzi uye akamuka achida kudzipa musikana waainge arere naye izvo zvakaita kuti musikana uyu aridza mhere.

Monalisa anoti pavakamhanyira mumba makange murere vaviri ava, vakawana mukadzi uyu achinwa mafuta ekuzora muvhudzi nechipunu. Izvi zvakavashamisa kuti akange atora mafuta evhudzi nechipunu sei sezvo mumba mekubikira mazvakange zviri maive makakiyiwa.

“Achibvunzwa kuti ainwirei hair oil iyi, akati aida kuzviuraya apo akanga akabatwa neshavi iri. Akati adyisa munin’ina wangu nyama yembwa iyo asina kutaura kuti aitora kupi,” anodaro Monalisa.

Anoti mukadzi uyu akabva atanga kubvisa mbatya ndokusara ari musvo achiti ndizvo zvaidiwa neshave rake.

“Chatishamisa, chipfeko chake chemukati changa chiine mufananidzo we’dhenja skelemu’ mutsvuku une mufananidzo wezvimabhonzo kana kuti marangwanda (skeleton). Tamubvunza, akati mufananidzo webasa ravo remaSatanists.”

Monalisa anoti mukadzi uyu akati anobva kuMasvingo uye aimbova akaroorwa akazosiyana nemurume. Lincoln Madongo (18) anoti musi uyu havanawo kurara nemadzikirira.

“Hanzvadzi yangu paanga ava kudzipwa ndazomutora tikarara mumba mumwe chete. Mukadzi uyu airwerwa rute uyewo rurimi rwake rwanga rwatsvuka semoto achirwuburitsa kunze,” akadaro mangwanani emusi wazvaitika.

Anoti mukadzi uyu akabuda pachena kuti akapa vanhu vakawanda huroyi – varume, vakadzi nevana. VaMunyaradzi Tore (29) vemunzvimbo iyi vanoti vakasvikawo pamba apa panguva iyo mukadzi uyu akange achiripo.

“Ini ndasvika ndichingonzwa kuti ari kuti anoda kudya nyama yevanhu. Ndazongobvawo ndave kudzokera kubasa ndichimusiya aripo apo pange pazara vanhu,” vanodaro.

 

Mai Jonono

Mai Jonono

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Jonono vachiti maitiro emukadzi uyu anotyisa nekuti anoratidza kuve neshave rakaipa.

“Tamuona asi zvakaoma, ange achiwudyura maziso nekubvisa mbatya kusara ari musvo. Azotorwa nevanhu vekuchechi uko ari kubatsirwa,” vanodaro.

Kwayedza yakazoenda kuchechi kwaive kwaendeswa mukadzi uyu ikawana achiriko. VaMadongo (63) vakawanikwa varikowo kuchechi uku ndokuti vakange vasina remuromo nezvaive zvaitika kumba kwavo.

“Arara kumba uko akabatwa neshavi, apotsa adzipa mwana wangu. Azotorwa nevanhu vekuchechi,” vanodaro.

Muvhangeri Munyairi naPastor Felton, avo vose vakaramba kutaura mazita avo akazara, vanoti vakatora mukadzi uyu kuti vanomubatsira kuchechi kwavo.

Mapurisa nevakuru-vesvondo nemhuri vachiita musangano

Mapurisa nevakuru-vesvondo nemhuri vachiita musangano

Zvakadai, mumwe mukomana wechidiki akati anonzi Clayton Nyamuziwa akazoda kurwisa vatori venhau apo vaiva muchechi achiti aisada kuti mutorwe mifananidzo.

“Imi ndimi vana aniko? Hatidi kutorwa mifananidzo muno. Munobuda muno muchimhanya, budai!” akadaro achiedza kusundidzira vatori venhau ava kunze.

Share This:

Sponsored Links